Jeremiya 14:1-22
14 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya pamusoro pokusanaya kwemvura:+
2 Judha ari kuchema,+ uye magedhi ake aparara.+ Agara pasi akasuruvara,+ uye kushevedzera kweJerusarema kwakwirawo.+
3 Vakuru vavo vatuma vanhu vavo vasingakoshi kumvura.+ Vasvika kumigero. Havana kuwana mvura.+ Vadzoka nemidziyo yavo isina chinhu. Vanyadziswa,+ vaodzwa mwoyo, uye vafukidza misoro yavo.+
4 Varimi vanyara; vafukidza misoro+ yavo nokuda kwenyika yaparadzwa nokuti panyika hapana kuva nemvura zhinji.+
5 Nokuti kunyange nondo hadzi iri musango yabereka, ikasiya mwana wayo, nokuti hapana uswa huchangobva kumera.
6 Mbizi+ dzamira pazvikomo zvisina chinhu; dzafembedza mhepo sezvinoita hunguhwe; maziso adzo aneta nokuti hapana zvinomera.+
7 Kunyange kana kukanganisa kwedu kukatipupurira zvakaipa, haiwa Jehovha, itai chimwe chinhu nokuda kwezita renyu;+ nokuti mabasa edu okusatendeka ava mazhinji;+ takakutadzirai.+
8 Haiwa imi tariro yaIsraeri,+ Muponesi wake+ munguva yokutambudzika,+ nei muchiita somutorwa munyika, uye somufambi atsauka kuti arare?+
9 Nei muchiita somunhu ashamiswa, somurume ane simba asingakwanisi kana kuponesa?+ Asi imi muri pakati pedu,+ haiwa Jehovha, uye zita renyu rakashevedzwa patiri.+ Musatisiya.
10 Zvanzi naJehovha pamusoro pevanhu ava: “Saizvozvo vakada kudzungaira;+ havana kudzora tsoka dzavo.+ Naizvozvo Jehovha haana kuvafarira.+ Zvino achayeuka kukanganisa kwavo uye achafunga nezvezvivi zvavo.”+
11 Jehovha akati kwandiri: “Usanyengeterera vanhu ava nokuda kwezvakanaka chero zvipi zvazvo.+
12 Pavanotsanya, handingateereri kuchema kwavo kwokuteterera;+ uye pavanopa chinopiwa chinopiswa chakakwana nechinopiwa chezviyo, handingazvifariri;+ nokuti ndichavapedza nebakatwa nenzara uye nedenda.”+
13 Ipapo ndakati: “Maiwe, haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai vaprofita vari kuti kwavari, ‘Hapana bakatwa ramuchaona, uye hapana nzara ichauya kwamuri, asi ndichakupai rugare rwechokwadi munzvimbo ino.’”+
14 Jehovha akati kwandiri: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema nezita rangu.+ Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo.+ Vari kutaura vachiprofita kwamuri zvinhu zvakaratidzwa zvenhema nokushopera uye chinhu chisina zvachinobatsira+ nokunyengera kwemwoyo yavo.+
15 Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kuprofita nezita rangu, vandisina kutuma uye vari kutaura kuti hapana bakatwa kana nzara zvichavapo munyika ino, ‘Vaprofita ivavo vachapera nebakatwa uye nenzara.+
16 Vanhu vavari kuprofitira vachava vanhu vanokandwa kunze mumigwagwa yeJerusarema nokuda kwenzara uye bakatwa, pasina anovaviga—ivo, madzimai avo nevanakomana vavo nevanasikana vavo.+ Ndichavadururira dambudziko ravo.’+
17 “Zvino utaure kwavari shoko iri, ‘Maziso angu ngaayerere misodzi usiku nemasikati, asarega,+ nokuti mhandara yevanhu vangu yaputswa kwazvo,+ neronda rinorwadza kwazvo.+
18 Kana ndikaenda kusango, tarirai, kune vaya vakaurayiwa nebakatwa!+ Kana ndikapinda muguta, tarirai, kunewo matenda aikonzerwa nenzara!+ Nokuti muprofita nomupristi vadzungaira nenyika yavasina kuziva.’”+
19 Makaramba Judha zvachose here,+ kana kuti mweya wenyu wakasemawo Ziyoni?+ Makatiroverei zvokuti hatipori?+ Taitarisira rugare, asi hapana chakanaka chakauya; uye taitarisira nguva yokuporeswa, asi, tarirai! takavhundutswa!+
20 Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, kukanganisa kwemadzitateguru edu,+ nokuti takakutadzirai.+
21 Musarega kutiremekedza nokuda kwezita renyu;+ musazvidza chigaro chenyu choumambo chinobwinya.+ Yeukai; musaputsa sungano yenyu nesu.+
22 Pazvidhori zvisina zvazvinobatsira+ zvemamwe marudzi pane chinhu chero chipi zvacho chinogona kunayisa mvura here, kunyange iwo matenga anogona kupa mvura zhinji here?+ Hamusi imi here, haiwa Jehovha Mwari wedu?+ Tinotarisira kwamuri, nokuti ndimi makaita zvinhu zvose izvi.+