Jeremiya 18:1-23
18 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti:
2 “Simuka, uende kuimba yomuumbi,+ uye ndichaita kuti unzwe mashoko angu ikoko.”
3 Ndakaenda kuimba yomuumbi, uye iye akanga achishandisa mavhiri omuumbi.
4 Mudziyo waakanga achigadzira nevhu wakashatiswa noruoko rwomuumbi, akachinja, akarigadzirisa mumwe mudziyo, sezvakanga zvakarurama kumuumbi kuti agadzire.+
5 Shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti:
6 “‘Haiwa imi imba yaIsraeri, handikwanisi kukuitai sezvaitwa nomuumbi uyu here?’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Haiwa imi imba yaIsraeri, ‘Tarirai! Sezvakaita ivhu riri muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu.+
7 Panguva ipi neipi yandingataura nezvorudzi uye nezvoumambo kuti ndirudzure nokuruputsa nokuruparadza,+
8 uye rudzi irworwo rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo zvandakarunyevera,+ ndichazvidembawo pamusoro pedambudziko randakanga ndafunga kuita paruri.+
9 Asi panguva chero ipi zvayo yandingataura pamusoro porudzi uye pamusoro poumambo kuti ndiruvake uye ndirudyare,+
10 irwo rukandiitira zvakaipa nokusateerera inzwi rangu,+ ndichazvidembawo pamusoro pezvakanaka zvandakazvitaurira kuti ndiite zvakarunakira.’
11 “Ndapota, chitaura zvino nevarume vaJudha uye nevagari vomuJerusarema uti, ‘Zvanzi naJehovha: “Tarirai ndiri kukugadzirirai dambudziko uye ndiri kukufungirai zano.+ Ndapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke panzira yake yakaipa, uye itai kuti nzira dzenyu nezvamunoita zvive zvakanaka.”’”+
12 Ivo vakati: “Hazvina tariro!+ Nokuti tichatevera kufunga kwedu, uye mumwe nomumwe achaita zvinhu zvokuoma kwomwoyo wake wakaipa.”+
13 Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Ndapota, bvunzai pakati pemarudzi. Ndiani akambonzwa zvinhu zvakadai? Kune chinhu chinosemesa chaitwa zvakanyanyisa nemhandara yaIsraeri.+
14 Chando cheRebhanoni chichabva padombo rokusango here? Kana kuti mvura inobva kumwe, inotonhorera, inoyerera, ichaoma here?
15 Nokuti vanhu vangu vakandikanganwa+ pakuti vanokwidzira chimwe chinhu chisina zvachinobatsira utsi hwezvibayiro,+ uye pakuti vanogumbura vanhu munzira dzavo,+ iwo makwara ekare kare,+ kuti vafambe mumigwagwa, nzira isina kuumbiridzwa,
16 kuti vaite kuti nyika yavo ive chinhu chinokatyamadza,+ chinhu chinoridzirwa muridzo nokusingagumi.+ Munhu wose anopfuura namo acharamba akatarira achikatyamara odzungudza musoro wake.+
17 Ndichavaparadzira pamberi pomuvengi sezvinoitwa nemhepo yokumabvazuva.+ Muzuva renjodzi yavo, ndichavafuratira, handingavatariri.”+
18 Ivo vakati: “Uyai, ngatirongerei Jeremiya mazano,+ nokuti mutemo hauzoparari kumupristi+ kana zano kumunhu akachenjera kana shoko kumuprofita.+ Uyai timurove norurimi+ uye ngatirege kuteerera mashoko ake chero api zvawo.”
19 Nditeererei, haiwa Jehovha, uye inzwai inzwi revanopikisana neni.+
20 Zvakanaka zvingatsiviwa nokuita zvakaipa here?+ Nokuti vacherera mweya wangu gomba.+ Yeukai kumira kwangu pamberi penyu kuti nditaure zvakanaka kunyange nezvavo, kuti ndidzose hasha dzenyu dzibve pavari.+
21 Naizvozvo isai vanakomana vavo kunzara,+ muvaise kusimba rebakatwa;+ madzimai avo ngaave vakadzi vakashayikirwa nevana, uye chirikadzi.+ Varume vavo ngavave vaya vakaurayiwa nedenda rinouraya, majaya avo vaya vakaurayiwa nebakatwa muhondo.+
22 Kuchema ngakunzwike mudzimba dzavo, pamunongoerekana mavaunzira boka revapambi.+ Nokuti vachera gomba kuti vandibate, uye vavanzira tsoka dzangu zviteyeso.+
23 Asi imi, haiwa Jehovha, munonyatsoziva kundirongera zano kwavo kwose kuti vandiuraye.+ Musafukidza kukanganisa kwavo, uye musadzima chivi chavo pamberi penyu; asi ngavave vaya vanogumburwa pamberi penyu.+ Varwisei panguva yokutsamwa kwenyu.+