Jeremiya 25:1-38
25 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya pamusoro pevanhu vose vaJudha mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kureva gore rokutanga raNebhukadrezari mambo weBhabhironi;
2 rakataurwa nomuprofita Jeremiya pamusoro pevanhu vose vaJudha uye pamusoro pevagari vose vomuJerusarema, achiti:
3 “Kubvira mugore rechigumi nematatu raJosiya+ mwanakomana waAmone, mambo waJudha, kusvikira nhasi, makore makumi maviri nematatu aya, shoko raJehovha rakauya kwandiri, uye ndakaramba ndichitaura nemi, ndichifumomuka ndichitaura, asi hamuna kuteerera.+
4 Jehovha akakutumirai vashumiri vake vose vaprofita, achifumomuka achivatuma, asi hamuna kuteerera,+ uyewo hamuna kurereka nzeve yenyu kuti muteerere,+
5 vachiti, ‘Tapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke abve panzira yake yakaipa uye pakuipa kwezvamakaita,+ rambai muchigara panyika yamakapiwa imi nemadzitateguru enyu naJehovha kubvira kare kare, kusvikira kunguva refu ichauya.+
6 Musatevera vamwe vanamwari kuti muvashumire nokuvakotamira, kuti murege kunditsamwisa nebasa remaoko enyu, uye kuti ndirege kukuunzirai dambudziko.’+
7 “‘Asi hamuna kunditeerera,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti mundigumbure nebasa remaoko enyu, muzviunzire dambudziko.’+
8 “Naizvozvo zvanzi naJehovha wemauto, ‘“Nokuti hamuna kuteerera mashoko angu,
9 tarirai ndichatumira shoko ndotora mhuri dzose dzokuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichatumira shoko kuna Nebhukadrezari mambo weBhabhironi, mushumiri wangu,+ uye ndichavaunza kuti varwise nyika+ ino nevagari vayo nemarudzi aya ose akapoteredza;+ uye ndichavatsaura kuti vaparadzwe uye ndichaita kuti vave chinhu chinokatyamadza nechinhu chokuridzira muridzo+ uye matongo nokusingagumi.+
10 Ndichaparadza inzwi rokupembera nomufaro nenzwi rokufara mavari,+ inzwi romuroori nenzwi romwenga,+ kurira kweguyo+ nechiedza cherambi.+
11 Nyika ino yose ichava dongo, chinhu chinokatyamadza, uye marudzi aya achashandira mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.”’+
12 “‘Zvino kana makore makumi manomwe apera,+ ndichaita kuti mambo weBhabhironi norudzi irworwo vazvidavirire kukanganisa kwavo,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kunyange nyika yevaKadheya,+ ndichaiita matongo nokusingagumi.+
13 Ndichaunza mashoko angu ose andakataura pairi, uyewo zvose zvakanyorwa mubhuku rino zvakaprofitwa naJeremiya kumarudzi ose.+
14 Nokuti kunyange iwo, marudzi mazhinji nemadzimambo makuru,+ akavashandisa sevashandi;+ uye ini ndichavatsiva maererano nebasa ravo uye maererano nebasa remaoko avo.’”+
15 Nokuti Jehovha Mwari waIsraeri ati kwandiri: “Tora kapu iyi yewaini yehasha muruoko rwangu, unwise marudzi ose andiri kukutuma kwaari.+
16 Ngaanwe adzedzerekere mberi neshure uye aite sevanhu vanopenga nokuda kwebakatwa randiri kutuma pakati pawo.”+
17 Ndakatora kapu yacho muruoko rwaJehovha, ndikanwisa marudzi ose andakanga ndatumwa kwaari naJehovha:+
18 anoti, Jerusarema nemaguta aJudha nemadzimambo aro, machinda aro, kuti ndizviite matongo, chinhu chinokatyamadza,+ chinhu chokuridzira muridzo uye chinotukwa, sezvazvakaita nhasi;+
19 Farao mambo weIjipiti nevashandi vake nemachinda ake nevanhu vake vose;+
20 neboka rose revamwe vanhu vakavhengana, nemadzimambo ose enyika yeUzi,+ nemadzimambo ose enyika yevaFiristiya+ neAshkeroni+ neGaza+ neEkroni+ nevachasara vokuAshdhodhi;+
21 Edhomu+ neMoabhi+ nevanakomana vaAmoni;+
22 nemadzimambo ose eTire+ nemadzimambo ose eSidhoni+ nemadzimambo echitsuwa chiri munzvimbo yegungwa;
23 neDhedhani+ neTema+ neBhuzi navose vaya vane bvudzi rakadimburirwa pazvavovo;+
24 nemadzimambo ose evaArabhu+ nemadzimambo ose eboka revamwe vanhu vakavhengana ari kugara murenje;
25 nemadzimambo ose eZimri nemadzimambo ose eEramu+ nemadzimambo ose evaMedhiya;+
26 nemadzimambo ose okuchamhembe ari pedyo neari kure, mumwe pashure pomumwe, nohumwe umambo hwose hwepasi huri panyika; uye mambo weSheshaki+ achanwa kana ivo vapedza.
27 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Inwai, mudhakwe, murutse uye muwe zvokuti hamugoni kumuka+ nokuda kwebakatwa randichatuma pakati penyu.”’+
28 Kana vakaramba kutora kapu yacho muruoko rwako kuti vanwe, utiwo kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Muchatonwa chete.+
29 Nokuti, tarirai! ndiri kutanga kuunza dambudziko paguta rinoshevedzwa nezita rangu,+ uye imi mungarega kurangwa here?”’+
“‘Hamuzoregi kurangwa, nokuti kune bakatwa randiri kushevedzera vagari vose vepanyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto.
30 “Asi iwe, uprofite kwavari mashoko ose aya, uti kwavari, ‘Jehovha achadzvova ari kumusoro,+ achaita kuti inzwi rake rinzwike ari kunzvimbo yake tsvene yaanogara.+ Chokwadi achadzvovera nzvimbo yake yaanogara. Achashevedzera kuvagari vose vepanyika sezvinoita vaya vari kutsika-tsika chisviniro chewaini.’+
31 “‘Ruzha ruchasvika kurutivi rwokumugumo wenyika chaiko, nokuti Jehovha ane gakava nemarudzi.+ Iye achatonga vanhu vose.+ Vakaipa achavaisa kubakatwa,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
32 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Tarirai! Dambudziko riri kufamba richibva pane rumwe rudzi richienda kune rumwe rudzi,+ uye mhepo huru ine mvura ichamutswa kumativi ari kure kwazvo enyika.+
33 Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.+ Havazochemwi, uyewo havazounganidzwi kana kuvigwa.+ Vachava somupfudze panyika.’+
34 “Ungudzai, imi vafudzi, mushevedzere!+ Umburukai,+ imi vakuru veboka rezvipfuwo,+ nokuti mazuva enyu okuurayiwa neokuparadzirwa akwana,+ muchaputsika somudziyo unodiwa!+
35 Nzvimbo yokutizira yevafudzi, nenzira yokupukunyuka nayo yevakuru veboka rezvipfuwo hazvisisipo.+
36 Teererai! Kushevedzera kwevafudzi, nokuungudza kwevakuru veboka rezvipfuwo, nokuti Jehovha ari kupamba mafuro avo.
37 Nzvimbo dzokugara dzine rugare dzaitwa kuti dzisava noupenyu nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.+
38 Akabva munzvimbo yake yaanovanda somwana weshumba ava nezenze,+ nokuti nyika yavo yava chinhu chinokatyamadza nokuda kwebakatwa rine utsinye uye nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.”+