Jeremiya 29:1-32
29 Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumirwa nomuprofita Jeremiya ichibva kuJerusarema ichienda kuvarume vakuru vakasara pavanhu vakatapwa nokuvapristi nokuvaprofita nokuvanhu vose, vakanga vatapwa naNebhukadhinezari vachibva kuJerusarema vachienda kuBhabhironi,+
2 pashure pokunge mambo Jekoniya+ navahosi+ nevakuru vakuru, machinda aJudha neeJerusarema,+ nemhizha nevavaki vemasvingo okudzivirira+ nawo vabva muJerusarema.
3 Yakatumirwa noruoko rwaErasa mwanakomana waShafani+ naGemariya mwanakomana waHirikiya, vakatumwa naZedhekiya+ mambo waJudha kuBhabhironi kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ichiti:
4 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, kuvanhu vose vakatapwa, vandakaita kuti vatapwe+ vachibva kuJerusarema vachienda kuBhabhironi,
5 ‘Vakai dzimba, mugare madziri, dyarai minda, mudye zvibereko zvayo.+
6 Wanai madzimai, mubereke vanakomana nevanasikana;+ uye wanirai vanakomana venyu madzimai uye ipai vanasikana venyu varume, kuti vabereke vanakomana nevanasikana; uye muwande ikoko, musava vashoma.
7 Tsvakaiwo rugare rweguta randakaita kuti mutapwe muchienda kwariri, murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti murugare rwaro muchava norugare rwenyu.+
8 Nokuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Vaprofita venyu vari pakati penyu nevashoperi venyu ngavarege kukunyengerai,+ uye musateerera hope dzavo dzavari kurota.+
9 Nokuti ‘vari kukuprofitirai nhema nezita rangu. Handina kuvatuma,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”’”
10 “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Kana makore makumi manomwe apera muri kuBhabhironi, ndichafunga nezvenyu,+ uye ndichasimbisa shoko rangu rakanaka kwamuri ndichikudzosai kunzvimbo ino.’+
11 “‘Nokuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘pfungwa dzorugare, kwete dzedambudziko,+ kuti ndikupei nguva yemberi netariro.+
12 Muchandishevedza, mouya, monyengetera kwandiri, uye ini ndichakuteererai.’+
13 “‘Muchanditsvaka, mondiwana,+ nokuti muchanditsvaka nemwoyo yenyu yose.+
14 Ndichaita kuti mundiwane,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichaunganidza boka renyu renhapwa, ndokuunganidzai muchibva kumarudzi ose nokunzvimbo dzose dzandakakuparadzirai kwadziri,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakudzosai kunzvimbo yandakaita kuti mubviswe pamakatapwa.’+
15 “Asi imi makati, ‘Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi.’
16 “Nokuti zvanzi naJehovha kuna mambo agere pachigaro chaDhavhidhi+ nokuvanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kutapwa pamwe chete nemi,+
17 ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Tarirai ndiri kuvatumira bakatwa,+ nzara+ nedenda,+ uye ndichaita kuti vave semaonde akatsemuka asingadyiki nokuda kwokuipa kwawo.”’+
18 “‘Ndichavatevera nebakatwa, nenzara uye nedenda, uye ndichavaita chinhu chinodederesa umambo hwose hwepanyika,+ chinhu chinotukwa uye chinhu chinokatyamadza, chinhu chokuridzira muridzo uye chinozvidzwa pakati pemarudzi ose andichavaparadzira kwaari,+
19 nokuti havana kuteerera mashoko angu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andakavatumira nevashumiri vangu vaprofita, ndichifumomuka ndichivatuma.’+
“‘Asi hamuna kuteerera,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
20 “Asi imi, inzwai shoko raJehovha, imi mose vanhu vakatapwa,+ vandakaendesa kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.+
21 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraya uye kuna Zedhekiya mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema nezita rangu,+ ‘Tarirai ndichavaisa muruoko rwaNebhukadrezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya muchizviona.+
22 Boka rose renhapwa dzaJudha riri muBhabhironi richatora kutuka kwavari, richiti: “Jehovha ngaakuite saZedhekiya uye saAhabhi,+ vakagochwa nomoto namambo weBhabhironi!”+
23 nokuti vakaita zvinhu zvoupenzi pakati paIsraeri,+ uye vanoramba vachiita upombwe nemadzimai eshamwari dzavo,+ vanoramba vachitaura zvenhema nezita rangu, shoko randisina kuvarayira.+
“‘“Ini ndini ndinoziva uye ndiri chapupu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.’”
24 “Uti kuna Shemaya+ weNeheramu,
25 ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Nokuti iwe wakatumira tsamba+ muzita rako kuvanhu vose vari muJerusarema, kuna Zefaniya+ mwanakomana waMaaseya, mupristi, nokuvapristi vose, uchiti,
26 ‘Jehovha aita kuti uve mupristi panzvimbo paJehoyadha mupristi, kuti uve mutariri mukuru weimba yaJehovha+ kumunhu wose anopenga+ uye ari kuita somuprofita, uye iwe unofanira kumusunga mumatanda nomumatanda okurangira;+
27 saka, nei usina kutsiura Jeremiya wokuAnatoti,+ ari kuita somuprofita kwamuri?+
28 Nokuti ndokusaka atitumira shoko kuBhabhironi, achiti: “Inguva refu! Vakai dzimba mugare madziri, uye dyarai minda mudye zvibereko zvayo,+—”’”’”
29 Mupristi Zefaniya+ akaverenga tsamba iyi muprofita Jeremiya achinzwa.
30 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya, richiti:
31 “Tumira shoko kuvanhu vose vakatapwa,+ uchiti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya weNeheramu: “Nokuti Shemaya aprofita kwamuri, ini ndisina kumutuma, uye aedza kuita kuti muvimbe nenhema,+
32 naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai ndiri kufunga nezvaShemaya+ weNeheramu nevana vake.’+
“‘“‘Haazovi nomurume anogara pakati pevanhu ava;+ uye haazotariri zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ataura zvokupandukira Jehovha chose.’”’”+