Jeremiya 31:1-40
31 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wemhuri dzose dzaIsraeri; uye ivo vachava vanhu vangu.”+
2 Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapona pabakatwa vakanzwirwa nyasha murenje,+ Israeri paakanga achifamba kuti azorore.”+
3 Jehovha akazviratidza kwandiri ari kure, achiti: “Ndakakuda norudo rusingagumi.+ Ndokusaka ndakakukweva nomutsa worudo.+
4 Ndichakuvakazve uye uchavakwazve,+ haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Uchashongawo makandira ako, woenda uchitamba sevaya vari kuseka.+
5 Uchadyarawo minda yemizambiringa mumakomo eSamariya.+ Vadyari vachadyara votanga kuishandisa.+
6 Nokuti kune zuva iro varindi vari munzvimbo ine makomo yaEfremu vachashevedzera kuti, ‘Haiwa imi vanhu, simukai, ngatikwirei kuZiyoni, kuna Jehovha Mwari wedu.’”+
7 Nokuti zvanzi naJehovha: “Shevedzerai kwazvo kuna Jakobho muchifara, uye pururudzai muri pamberi pemarudzi.+ Zvizivisei.+ Rumbidzai, muti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, vakasara vaIsraeri.’+
8 Tarirai ndichavaunza vachibva kunyika yokuchamhembe,+ ndichavaunganidza vachibva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ Pakati pavo pachava nemapofu nevakaremara, mukadzi ane pamuviri neari kusununguka, vose pamwe chete.+ Vachadzoka kuno vari ungano huru.+
9 Vachauya vachichema,+ uye ndichavaunza vachiteterera kunzwirwa nyasha. Ndichaita kuti vafambe vachienda kumipata ine nzizi dzemvura,+ munzira yakarurama yavasingazogumburwi. Nokuti ndava Baba vaIsraeri;+ uye Efremu ndiye dangwe rangu.”+
10 Inzwai shoko raJehovha, haiwa imi marudzi, murizivise muzvitsuwa zviri kure,+ muti: “Iye ari kuparadzira Israeri achamuunganidza,+ uye achamuchengeta sezvinoita mufudzi anochengeta boka rake rezvipfuwo.+
11 Nokuti Jehovha achadzikinura Jakobho,+ omununura paruoko rwouya akasimba kumupfuura.+
12 Vachauya, voshevedzera nomufaro vari pamusoro peZiyoni,+ vofarira kunaka kwaJehovha,+ zviyo newaini+ itsva nemafuta nevana vemakwai nemombe.+ Mweya yavo ichangova somunda une mvura,+ uye havazonetizve.”+
13 “Panguva iyoyo mhandara ichafara ichitamba, uyewo majaya nevakwegura, vose pamwe chete.+ Ndichachinja kuchema kwavo kuti kuve kupembera nomufaro, uye ndichavanyaradza ndoita kuti vafare vachibva pakuva neshungu kwavo.+
14 Ndichagutsa mweya yevapristi nemafuta,+ vanhu vangu vachagutswa nokunaka kwangu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
15 “Zvanzi naJehovha, ‘Inzwi riri kunzwika muRama,+ kurira nokuchema kunoshungurudza;+ Rakeri+ achichema vanakomana vake.+ Aramba kunyaradzwa nokuda kwevanakomana vake,+ nokuti havasisipo.’”+
16 Zvanzi naJehovha: “‘Rega kuchema, uye maziso ako ngaarege kubudisa misodzi,+ nokuti basa rako rine mubayiro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘ivo vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.’+
17 “‘Kune tariro+ nokuda kwenguva yako yemberi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vanakomana vacho vachadzoka kunharaunda yavo.’”+
18 “Ndakanzwa Efremu achizvichema+ achiti, ‘Makandiruramisa, kuti ndiruramiswe,+ semhuru isina kurovedzwa.+ Ndidzosei uye ndichakurumidza kudzoka,+ nokuti ndimi Jehovha Mwari wangu.+
19 Nokuti ndakati ndadzoka, ndakazvidemba;+ uye ndakati ndaitwa kuti ndizive, ndakarova pachidya nembama.+ Ndakanyara, ndakanzwa ndaninipiswa,+ nokuti ndakanga ndatakura kuzvidzwa kwouduku hwangu.’”+
20 “Efremu mwanakomana anokosha kwandiri, kana kuti mwana anodiwa here?+ Nokuti kusvikira pakutaura kwangu ndichipesana naye ndichamuyeukazve.+ Ndokusaka ura hwangu hwava husina kugadzikana nokuda kwake.+ Chokwadi ndichamunzwira tsitsi,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 “Zviisire zviratidzo zvomumugwagwa. Zviisire zvikwangwani.+ Isa mwoyo wako pamugwagwa mukuru, nzira yauchaenda nayo.+ Dzoka, haiwa iwe mhandara yaIsraeri. Dzoka kumaguta ako aya.+
22 Uchatsaukira uko nokoko kusvikira rini,+ haiwa iwe mwanasikana asina kutendeka?+ Nokuti Jehovha asika chinhu chitsva panyika: Munhukadziwo zvake achauya pedyo pedyo nomurume omukomba.”
23 Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Vachataurawo shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ake, pandichaunganidza nhapwa dzavo, ‘Jehovha ngaakukomborere,+ haiwa iwe nzvimbo yokugara yakarurama,+ haiwa iwe gomo dzvene.’+
24 Judha nemaguta ake ose vachagara mairi pamwe chete, varimi nevaya vari kufamba neboka rezvipfuwo.+
25 Nokuti ndichagutsa mweya wakaneta, uye ndichagutsa mweya yose iri kupera simba.”+
26 Ipapo ndakamuka ndikaona; uye hope dzangu, dzakanga dzichindifadza.
27 “Tarirai! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichadyara imba yaIsraeri neimba yaJudha nembeu yomunhu uye nembeu yechipfuwo.”+
28 “Ndicharamba ndakasvinura kwavari+ kuti ndivake uye kuti ndidyare,+ sokuramba ndakasvinura kwavari kwandakaita kuti ndidzure uye kuti ndiputse, kuti ndikoromore uye kuti ndiparadze uye kuti ndikuvadze,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
29 “Mumazuva iwayo havachazotizve, ‘Vanababa ndivo vakadya mazambiringa asina kuibva, asi mazino evanakomana ndiwo akaita ugugu.’+
30 Asi mumwe nomumwe achafira kukanganisa kwake.+ Ani naani achadya mazambiringa asina kuibva, ndiye ane mazino achaita ugugu.”
31 “Tarirai! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichaita sungano itsva+ neimba yaIsraeri+ uye neimba yaJudha;+
32 isina kuita sesungano yandakaita nemadzitateguru avo pazuva randakabata maoko avo kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,+ ‘sungano yangu yavakaputsa,+ kunyange zvazvo ini ndakanga ndiri murume wavo,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
33 “Nokuti iyi ndiyo sungano+ yandichaita neimba yaIsraeri pashure pemazuva iwayo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mutemo wangu mavari,+ uye ndichaunyora mumwoyo mavo.+ Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+
34 “Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake,+ achiti, ‘Zivai Jehovha!’+ nokuti vose vachandiziva, kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukuru wavo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.”+
35 Zvanzi naJehovha, Mupi wezuva kuti rive chiedza masikati,+ mirau+ yomwedzi+ nenyeredzi kuti zvive chiedza usiku,+ Iye anonyandura gungwa kuti mafungu aro arege kugadzikana,+ Iye ane zita rokuti Jehovha wemauto:+
36 “‘Kudai mirau iyi yaigona kubviswa pamberi pangu,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha ‘vaya vari vana vaIsraeri vaigonawo kurega kuva rudzi pamberi pangu nguva dzose.’”+
37 Zvanzi naJehovha: “‘Kudai matenga ari kumusoro aigona kuyerwa uye nheyo dzenyika iri pasi dzaigona kuongororwa,+ iniwo ndaizoramba vana vose vaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha.”
38 “Tarirai! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “guta racho parichavakirwa+ Jehovha kubvira kuShongwe yaHananeri+ kusvikira kuGedhi Repakona.+
39 Tambo yokuyeresa+ ichaendawo mberi yakananga kuchikomo cheGarebhi, uye ichatenderera ichienda kuGoa.
40 Bani rose rezvitunha+ uye remadota ane mafuta,+ nepakatenuka-tenuka pose kusvikira kumupata une rukova weKidroni,+ kusvikira kukona yokuGedhi reMabhiza+ chaiko nechokunobuda zuva, zvichava chinhu chitsvene kuna Jehovha.+ Harizodzurwi, uyewo harizokoromorwizve nokusingagumi.”+