Jeremiya 42:1-22
42 Zvino vakuru vose vemauto ehondo naJohanani+ mwanakomana waKareya naJezaniya+ mwanakomana waHoshaya+ nevanhu vose, kubvira kumuduku kusvikira kumukuru, vakaswedera,
2 vakati kumuprofita Jeremiya: “Tapota, kukumbira kwedu kunzwirwa nyasha ngakuuye pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu,+ muchimiririra vakasara vose ava, nokuti takasiyiwa tiri vashoma pavazhinji,+ sezvamuri kutiona nemaziso enyu.
3 Jehovha Mwari wenyu ngaatiudze nzira yatinofanira kufamba nayo nezvatinofanira kuita.”+
4 Muprofita Jeremiya akati kwavari: “Ndanzwa. Tarirai ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu maererano nezvamataura;+ uye ndichakuudzai mashoko ose amuchapindurwa naJehovha.+ Handizoregi kukuudzai kana shoko rimwe chete.”+
5 Ivo vakati kuna Jeremiya: “Jehovha ngaave chapupu chechokwadi uye chakavimbika kwatiri+ kana tikasaita chaizvo maererano nemashoko ose amuchatumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.+
6 Angava akanaka kana kuti akaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuti zvitinakire kana tikateerera inzwi raJehovha Mwari wedu.”+
7 Zvino mazuva gumi apera, shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya.+
8 Naizvozvo akashevedza Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vose vemauto ehondo vaaiva navo nevanhu vose, kubvira kumuduku kusvikira kumukuru;+
9 akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, wamakandituma kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu chokunzwirwa nyasha pamberi pake,+
10 ‘Chokwadi kana mukaramba muchigara munyika ino,+ ndichakuvakaiwo, handizokuputsii, uye ndichakudyarai, handizokudzurii;+ nokuti ndichazvidemba pamusoro pedambudziko randakakuunzirai.+
11 Musatya mambo weBhabhironi, wamuri kutya.’+
“‘Musamutya,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei uye ndikununurei muruoko rwake.+
12 Ndichakunzwirai ngoni, uye iye achakunzwirai ngoni, okudzorerai kunyika yenyu.+
13 “‘Asi kana mukati: “Aiwa; hatisi kuzogara munyika ino!” kuti musateerera inzwi raJehovha Mwari wenyu,+
14 muchiti: “Aiwa, asi tichapinda munyika yeIjipiti,+ matisingazooni hondo uye matisingazonzwi kurira kwehwamanda uye matisingazovi nenzara yezvokudya;+ uye tichagara imomo”;
15 naizvozvo zvino inzwai shoko raJehovha, haiwa imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Kana imi chokwadi mukataridzisa zviso zvenyu kuti mupinde muIjipiti, mukapinda kuti mugare imomo muri vatorwa,+
16 bakatwa ramuri kutya richakuwanai munyika yeIjipiti,+ naiyo nzara yamuri kutya ichanyatsokuteverai kuIjipiti;+ uye muchafira ikoko.+
17 Varume vose vachataridzisa zviso zvavo kuti vapinde muIjipiti kuti vagare imomo vari vatorwa ndivo vachaurayiwa nebakatwa, nenzara uye nedenda;+ uye havazovi neanopona kana anopukunyuka, nokuda kwedambudziko randichavaunzira.”’+
18 “Nokuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvazvakadururirwa pavagari vomuJerusarema,+ saizvozvowo hasha dzangu dzichadururirwa pamuri nokuda kwokupinda kwenyu muIjipiti, muchava chinhu chakatukwa, chinokatyamadza, chinomhurwa uye chinozvidzwa,+ hamuzoonizve nzvimbo ino.’+
19 “Jehovha ataura pamusoro penyu, haiwa imi vakasara vaJudha. Musapinda muIjipiti.+ Chokwadi zivai kuti ndakupupurirai nhasi,+
20 kuti makakanganisira mweya yenyu;+ nokuti makandituma kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, ‘Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu; uye tiudzei zvose zvinotaurwa naJehovha Mwari wedu sezvazviri, uye tichazviita.’+
21 Ndinokuudzai nhasi, asi hamuzomboteereri inzwi raJehovha Mwari wenyu kana chero chinhu chipi zvacho chaandituma nacho kwamuri.+
22 Zvino chokwadi zivai kuti muchaurayiwa nebakatwa,+ nenzara uye nedenda munzvimbo yamuri kufarira kupinda kuti mugare muri vatorwa.”+