Jeremiya 45:1-5
45 Iri ndiro shoko rakataurwa nomuprofita Jeremiya kuna Bharuki+ mwanakomana waNeriya paakanyora mubhuku mashoko aya akabva mumuromo maJeremiya+ mugore rechina raJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, zvichinzi:
2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pako, haiwa iwe Bharuki,
3 ‘Iwe wakati: “Zvino ndava nenhamo,+ nokuti Jehovha awedzera shungu pakurwadziwa kwangu! Ndaneta nokugomera kwangu, uye handina kuwana nzvimbo yokuzororera.”’+
4 “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: “Tarira! Ndichaputsa zvandakavaka, uye ndichadzura zvandakadyara, iyo nyika yacho yose.+
5 Asi iwe, unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru.+ Usaramba uchitsvaka.”’+
“‘Nokuti tarira ndichaunza dambudziko panyama yose,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakupa mweya wako sechinhu chakapambwa munzvimbo dzose dzaungaenda.’”+