Jobho 10:1-22
10 “Chokwadi mweya wangu unosemeswa noupenyu hwangu.+Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu.Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!
2 Ndichati kuna Mwari, ‘Musanditi ndakaipa.Itai kuti ndizive kuti muri kundirwisirei.
3 Zvakanaka here kwamuri kuti muite zvakaipa,+Kuti murambe chibereko chebasa rakaoma remaoko enyu,+Uye kuti muvhenekere zano revakaipa?
4 Mune maziso+ enyama here,Kana kuti munoona sokuona kunoita munhuwo zvake here?+
5 Mazuva enyu akaita semazuva omunhuwo zvake here,+Kana kuti makore enyu akangoita semazuva omurume akagwinya here,
6 Zvamuri kuedza kutsvaka kukanganisa kwanguNokuramba muchitsvaka chivi changu?+
7 Pasinei zvapo nokuti munoziva kuti handina kukanganisa,+Uye kuti hapana anokwanisa kununura paruoko rwenyu?+
8 Maoko enyu akandiumba, zvokuti akandiita+Ini wose, asi mava kuda kundiparadza.
9 Ndapota, yeukai kuti makandiumba nevhu+Uye muchaita kuti ndidzokere kuguruva.+
10 Hamuna here kundidurura somukakaUye kundiodzeka sezvinoitwa chizi?+
11 Makandipfekedza ganda nenyama,Mukandiruka nemapfupa nemadzira.+
12 Makandipa upenyu mukandiratidzira mutsa worudo;+Uye kutarisira+ kwenyu kwakarinda simba roupenyu hwangu.
13 Makavanza zvinhu izvi mumwoyo menyu.Ndinonyatsoziva kuti zvinhu izvi zvinemi.
14 Kana ndichinge ndatadza, imi moramba makanditarira,+Imi hamuti handina mhosva pakukanganisa kwangu;+
15 Kana chokwadi ndakakanganisa, ndine nhamo!+Uye kana chokwadi ndakarurama, handingasimudzi musoro wangu,+Ndizere nokuzvidzwa uye ndizere nokutambudzika.+
16 Kana ukazvikudza,+ muchandivhima sezvinoita mwana weshumba,+Muchandiratidzazve kuti munoshamisa.
17 Muchaunza zvapupu zvenyu zvitsva pamberi pangu,Uye muchaita kuti kunditsamwira kwenyu kukure;Matambudziko ari kungotutirana pandiri.
18 Naizvozvo makandibudisireiko muchibereko?+Ndingadai ndakafa, zvokuti hapana kana ziso raizondiona,
19 Ndingadai ndakaita sokunge kuti handina kumbovapo;Ndingadai ndakabudiswa mudumbu ndichienda muguva.’
20 Mazuva angu haasi mashoma here?+ Iye ngaarege,Ngaarege kunditarira, kuti ndifare+ zvishoma
21 Ndisati ndaenda—uye handizodzoki+—Kunyika yakasviba ine zarima,+
22 Kunyika yakasviba serima, yezarimaNokusarongeka, ine chiedza chakangoita serima.”