Jobho 11:1-20
11 Zvino Zofari muNaama+ akapindura, akati:
2 “Mashoko mazhinji angarega kupindurwa here,Kana kuti munhu anozvirumbidza angava akarurama here?
3 Kutaura kwako kusina zvakunobatsira kungaita kuti vanhu vanyarare here,Uye ucharamba uchingonyomba pasina munhu anokutsiura here?+
4 Unotiwo, ‘Kurayiridza+ kwangu kwakachena,Uye ndakachena+ pamberi penyu.’
5 Asi haiwa, kudai Mwari aizotauraOshama miromo yake achitaura newe!+
6 Aizokuudza zvakavanzika zvouchenjeri,Nokuti zvinhu zvouchenjeri hunobatsira zvizhinji.Waizozivawo kuti Mwari anobvumira kuti zvimwe zvikanganiso zvako zvirege kuyeukwa.+
7 Ungaziva zvinhu zvakadzama zvaMwari,+Kana kuti ungaziva panogumira Wemasimbaose here?
8 Uchenjeri hwacho hwakakwirira kupfuura denga. Iwe ungaitei?Hwakadzika kupfuura Sheori.+ Iwe ungazivei?
9 Hwakareba kupfuura zvakaita nyika,Uye hwakafara kupfuura gungwa.
10 Kana iye akapfuura, akagamuchidza munhuUye ounganidza dare, ndiani angamudzivisa?
11 Nokuti iye anonyatsoziva vanhu vasiri vechokwadi.+Paanoona zvinhu zvinokuvadza, haangafungisisi nezvazvo here?
12 Kunyange munhu asingafungi achawana njerePanongoberekwa mbizi inenge mbongoro iyo iri munhu.
13 Kana iwe uchizogadzirira mwoyo wakoWotambanudzira zvanza zvako kwaari,+
14 Kana zvinhu zvinokuvadza zviri muruoko rwako, zviise kure,Uye kusarurama ngakurege kugara mumatende ako.
15 Nokuti uchabva wasimudza chiso chako usina mhosva+Uye uchasimbiswa, uye hauzotyi.
16 Nokuti iwe—uchakanganwa kutambudzika;Uchakuyeuka semvura yakapfuura.
17 Nguva youpenyu+ hwako ichabuda yakajeka kupfuura masikati makuru;Rima richaita semangwanani.+
18 Iwe uchava nechivimbo nokuti pane tariro iriko;Uchanyatsotarira-tarira—ucharara pasi wakachengeteka.+
19 Uchazamura, pasina angakudederesa.Vanhu vazhinji vachatsvaka kukufadza;+
20 Maziso evakaipa achaneta;+Nzvimbo yavo yokutizira ichaparara,+Uye tariro yavo ichava kufa kwomweya.”+