Jobho 12:1-25
12 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Chokwadi imi ndimi vanhu vacho,Uye uchenjeri huchafa pamwe chete nemi!+
3 Iniwo ndine njere+ sezvamakaita.Handisi munhu akaderera panemi,+Uye ndiani asina zvinhu zvakadai?
4 Ndava munhu anosekwa nowokwake,+Munhu anoshevedzera kuna Mwari kuti amupindure.+Munhu akarurama, asina chaanopomerwa ndiye anosekwa.
5 Munhu asinganetseki anozvidza kutsakatika mukufunga kwake;+Kunogadzirirwa vaya vane tsoka dzinogweda-gweda.+
6 Matende evapambi haanetseki,+Uye vaya vanotsamwisa Mwari vakachengetekaSouya anounza mwari ari muruoko rwake.+
7 Zvisinei, ndapota, bvunzai zvipfuwo, uye zvichakurayiridzai;+Nezvisikwa zvokumatenga zvine mapapiro, uye zvichakuudzai.+
8 Kana kuti ivai nehanya nenyika, uye iyo ichakurayiridzai;+Uye hove dzomugungwa+ dzichakuzivisai izvo.
9 Ndiani asinganyatsozivi pane izvi zvoseKuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvi,+
10 Iye ane mweya+ yevanhu vose vapenyu muruoko rwakeUye simba roupenyu renyama yose yevanhu?+
11 Nzeve haiedzi mashoko+Sokuravira kunoita rurimi+ zvokudya here?
12 Hapana here uchenjeri pakati pevakura+Nokunzwisisa mukuwanda kwemazuva?
13 Iye ane uchenjeri nesimba;+Ane zano nokunzwisisa.+
14 Tarirai! Iye anoputsa, kuti parege kuva nokuvakazve;+Iye anovharira munhu, kuti parege kuvhurwa.+
15 Tarirai! Iye anodzivisa mvura, iyo yooma;+Anoituma, yochinja nyika.+
16 Iye ane simba nouchenjeri hunobatsira;+Munhu anokanganisa nomunhu anotsausa ndevake;+
17 Iye anoita kuti makurukota aende asina shangu,+Uye anoita kuti vatongi vapenge.
18 Anosunungura zvisungo zvemadzimambo,+Uye anosunga bhandi muhudyu mavo.
19 Anoita kuti vapristi vafambe vasina shangu,+Uye anowisira pasi vaya vagere zvechigarire;+
20 Anoita kuti vakatendeka vave mbeveve,Uye anobvisa kuchenjera kwevakwegura;
21 Anodururira kuzvidzwa pane vanokudzwa,+Uye anosunungura mabhandi evane simba;
22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zviri murima,+Uye anobudisa chiedza pane zarima;
23 Achiita kuti marudzi akure, kuti aaparadze;+Achiparadzira marudzi, kuti aende nawo;
24 Achibvisa njere dzevakuru vevanhu vomunyika,Kuti avadzungairise munzvimbo isina chinhu,+ musina nzira.
25 Vanotsvangadzira murima,+ musina chiedza,Kuti avadzungairise sezvinoita munhu akadhakwa.+