Jobho 13:1-28
13 “Tarirai! Ziso rangu rakaona zvinhu zvose izvi,Nzeve yangu yakazvinzwa uye inozvifungisisa.
2 Zvamunoziva imi ndinonyatsozvizivawo;Handisi munhu akaderera panemi.+
3 Zvisinei, ini ndaizoda kutaura noWemasimbaose,+Uye ndaizofara kuitirana nharo naMwari.
4 Asi imi muri vanhu vanodzurura nenhema;+Mose muri vanachiremba vasina zvavanobatsira.+
5 Kudai maingoramba makanyarara henyu,Kuti munzi makachenjera!+
6 Ndapota, inzwai kupikisa kwangu,+Uye teererai kuteterera kwemiromo yangu.
7 Mucharwira Mwari muchitaura zvisina kururama here,Uye muchamurwira muchitaura zvokunyengera here?+
8 Muchaita zvechizivano naye here,+Kana kuti mucharwira Mwari pakutongwa here?
9 Zvingakunakirai kana akakuongororai here?+Kana kuti muchamunyengedza sokunyengedzwa kunoitwa munhuwo zvake here?
10 Chokwadi achakutsiurai+Kana mukaedza kuita zvechizivano pachivande;+
11 Kukudzwa kwake hakuzoiti kuti mutange kutya,Mobatwa nokumutya here?+
12 Mashoko enyu asingakanganwiki zvirevo zvemadota;Nhoo dzenyu inhoo dzevhu.+
13 Rambai makanyarara pamberi pangu, kuti ini nditaure.Chero chipi zvacho chinenge chauya pandiri ngachiuye!
14 Ndinotakurireiko nyama yangu nemazino anguUye ndinoisirei mweya wangu muchanza changu?+
15 Kunyange kudai aizondiuraya, ndaisazomirira here?+Ndaizongoitirana nharo naye nokuda kwenzira dzangu.
16 Aizovawo ruponeso rwangu,+Nokuti hapana mutsauki achauya pamberi pake.+
17 Nyatsonzwai shoko rangu,+Uye inzwai zvandinozivisa.
18 Ndapota, tarirai! ndaunza mhosva inofanira kutongwa;+Ndinonyatsoziva kuti ini ndakarurama.
19 Ndiani achakakavadzana neni?+Nokuti zvino kunyange ndikanyarara ndichangofa!
20 Musangondiitira zvinhu zviviri;Ipapo handizovandi nemhosva yenyu;+
21 Isai ruoko rwenyu kure neni,Uye kutyisa kwenyu—ngakurege kundityisa.+
22 Shevedzai kuti ini ndipindure;Kana kuti regai nditaure, imi mundipindure.
23 Ndine zvikanganiso nezvivi pakudini?Itai kuti ndizive kumukira kwangu nechivi changu.
24 Munovanzirei chiso chenyu,+Mondiona somuvengi wenyu?+
25 Muchaita kuti shizhawo zvaro rinopeperetswa nemhepo rivhunduke here?Kana kuti mucharamba muchidzingirira mashangawo zvawo akaoma here?
26 Nokuti munoramba muchindinyorera zvinhu zvinovava+Uye munondigarisa nhaka yemigumisiro yokukanganisa kwandakaita ndichiri muduku.+
27 Munoramba makaisa tsoka dzangu mumatanda,+Uye munotarira makwara angu ose;Munotara mutsara wenyu nokuda kwetsoka dzangu.
28 Iye akafanana nechimwe chinhu chakaora chinoparara;+Senguo inodyiwa nechitemamachira.+