Jobho 14:1-22
14 “Munhu, akaberekwa nomukadzi,+Anorarama kwenguva pfupi+ uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.+
2 Anobuda seruva, ogurwa,+Anotiza somumvuri+ uye haarambi aripo.
3 Chokwadi, makasvinudzira ziso renyu pane uyu,Uye munondiunza kudare kuti munditonge.+
4 Ndiani angabudisa munhu akachena achibva mumunhu asina kuchena?+Hakuna kana mumwe chete.
5 Kana mazuva ake akatemwa,+Kuwanda kwemwedzi yake kuri kwamuri;Makamuisira murau kuti arege kudarika.
6 Regai kuramba makamutarira kuti azorore,+Kusvikira awana mufaro pazuva rake sezvinoita munhu wemaricho.
7 Nokuti tariro iripo kunyange nokuda kwomuti.Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve,+Uye davi rawo harizoregi kuvapo.
8 Kana mudzi wawo ukakwegura muvhu,Chigutsa chawo chikafira muvhu,
9 Uchatungira paunongonzwa kunhuhwirira kwemvura+Uye uchabudisa davi somuti mutsva.+
10 Asi murume akagwinya anofa, orara akundwa;Uye munhu wepanyika anofa, zvino ari kupi?+
11 Mvura inonyangarika mugungwa,Uye rwizi runopwa, rwooma.+
12 Saizvozvowo munhu anorara pasi uye haamuki.+Havazomuki kusvikira denga risisiko,+Uyewo havazomutswi pakurara kwavo.+
13 Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori,+Kudai maizondichengeta ndakavanzika kusvikira kutsamwa kwenyu kwapera,Kudai maizonditemera nguva+ yakatarwa, mondiyeuka!+
14 Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?+Ndichamirira mazuva ose ebasa rangu rokumanikidzirwa,+Kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya.+
15 Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai.+Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.
16 Nokuti zvino munoramba muchiverenga nhanho dzangu;+Munongotsvaka chivi changu chete.+
17 Kumukira kwangu kwakanamirwa muhomwe,+Munonama chivi changu neguruu.
18 Zvisinei, gomo rinowa, richaparara,Kunyange dombo richabviswa panzvimbo yaro.
19 Mvura inochera kunyange matombo;Kuyerera kwayo nesimba kunokukura guruva repanyika.Naizvozvo maparadza tariro yomunhuwo zvake.
20 Munomukunda nokusingaperi zvokuti anoenda;+Munoshatisa chiso chake zvokuti munomudzinga.
21 Vanakomana vake vanokudzwa, asi iye haazvizivi;+Vanova vasingakoshi, asi iye haafungi nezvavo.
22 Nyama yake ndiyo ichangoramba ichirwadza painenge ichiri paari,Uye mweya wake ucharamba uchichema paanenge achiri kurarama.”