Jobho 16:1-22
16 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Ndanzwa zvinhu zvizhinji zvakadai.Mose zvenyu muri vanyaradzi vanotambudza!+
3 Mashoko asina zvaanobatsira achapera here?+Kana kuti chii chinokurwadzai, zvamunopindura?
4 Ini ndinokwanisawo kutaura sezvamunoita.Kudai mweya yenyu yaiva munzvimbo yomweya wangu,Ndaizotaura mashoko oungwaru kwamuri here,+Uye ndaizokudzungudzirai musoro wangu here?+
5 Ndaizokusimbisai nemashoko omuromo wangu,+Kunyaradza kwemiromo yangu kwaizokuzorodzai pamarwadzo enyu—.
6 Kunyange ndikataura, kurwadziwa kwangu hakudereri,+Uye kunyange ndikarega kuita saizvozvo, chii chinobva pandiri?
7 Kungoti iye zvino andipedza simba;+Aita kuti vose vaya vanoungana neni vaparare.
8 Munondibatawo. Izvo zvazova uchapupu,+Zvokuti kuonda kwangu kunondimukira. Kunopupurira pamberi pangu.
9 Hasha dzake dzandibvambura-bvambura, uye iye anoramba achindivenga.+Anogeda-geda mazino ake kwandiri.+Mhandu yangu inonditwiriridzira maziso ayo.+
10 Vakandishamira miromo yavo kwazvo,+Vakarova matama angu noruzvidzo,Vanoungana vari vazhinji kuti vazondirwisa.+
11 Mwari anondiisa kuvakomana vaduku,Anondikanda mumaoko evakaipa.+
12 Ndakanga ndagara zvakanaka, asi akandizunza;+Akandibata necheseri kwomutsipa akandirovera pasi,Uye anongoti nangananga neni.
13 Vanhu vake vanopfura nouta+ vanondikomba;Anotsemura itsvo dzangu+ uye haanzwi tsitsi;Anodururira nduru yangu pasi.
14 Anoramba achingondikoromora-koromora sorusvingo;Anondimhanyira sezvinoita munhu ane simba.+
15 Ndakasonera masaga+ paganda rangu,Uye ndakabayirira nyanga yangu muguruva.+
16 Chiso changu chatsvuka nokuchema,+Pamusoro pezvikope zvangu pane zarima,+
17 Kunyange zvazvo muzvanza zvangu musina zvechisimba,Uye munyengetero wangu wakachena.+
18 Haiwa iwe nyika, usafukidza ropa rangu!+Kuchema kwangu ngakushayiwe nzvimbo yokuzororera!
19 Zvino tariraiwo! munhu anondipupurira ari kumatenga,Uye chapupu chiri kumusoro.+
20 Shamwari dzangu ndidzo vamiririri vanondishora;+Ziso rangu rakatarira kuna Mwari risingarari.+
21 Kutonga kunofanira kuitwa pakati pomurume akagwinya naMwari,Sezvinoitwa pakati pomwanakomana womunhu nomumwe wake.+
22 Nokuti pashure pemakore mashomanana,Ndichaenda negwara randisingazodzoki naro.+