Jobho 17:1-16

17  “Simba rangu roupenyu raputsika,+ mazuva angu apera;Guva randimirira.+   Ndiri kusekwa,+Ziso rangu rinoramba richiona kupandukira kwavo.   Ndapota, ndichengeterei chokumbofanobata changu.+Ndianizve achabatana maoko+ neni sechokumbofanobata?   Nokuti makavharira mwoyo yavo kungwara.+Ndokusaka musingavakwidziridzi.   Iye angaudza shamwari kuti dzitore migove yadzo,Asi maziso evanakomana vake achaneta.+   Iye akandiita chirevo+ chemarudzi,Zvokuti ndava munhu anopfirwa mate muchiso.+   Ziso rangu harichaoni nokuda kwenhamo+Uye nhengo dzangu dzose dzaita somumvuri.   Vanhu vakarurama vanoramba vakatarira vachishamisika neizvi,Kunyange munhu asina mhosva anogumbukira mutsauki.   Munhu akarurama anoomerera panzira yake,+Uye ane maoko akachena+ anoramba achiwedzera simba.+ 10  Zvisinei, imi mose tangaizve. Naizvozvo ndapota, rambai muchidaro,Zvandisingawani akachenjera pakati penyu.+ 11  Mazuva angu apfuura,+ zvirongwa zvangu zvakundikana,+Izvo zvinhu zvaidiwa nomwoyo wangu. 12  Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati vachiti:+‘Chiedza chiri pedyo nokuda kwerima.’ 13  Kana ndikaramba ndakamirira, Sheori ndiyo imba yangu;+Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+ 14  Ndichashevedzera kugomba+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’Kuhonye+ ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’ 15  Saka zvino, tariro yangu iri kupi?+Uye kana iri tariro yangu—ndianiko anoiona? 16  Ichaburukira kumizariro yeSheori,Isu tose patichaburukira kuguruva.”+

Mashoko Emuzasi