Jobho 19:1-29
19 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Mucharamba muchishungurudza mweya wangu kusvikira rini+Uye mucharamba muchindipwanya nemashoko kusvikira rini?+
3 Manditsiura kagumi aka;Hamunyari kuti muri kundiomesera kwazvo.+
4 Kana ndakakanganisa,+Kukanganisa kwangu kuchagara neni.
5 Chokwadi kana muchizvitutumadza kwazvo pamberi pangu,+Muchiona kuzvidzwa kwangu kwakakodzera,+
6 Ibvai maziva kuti Mwari akanditsausa,Uye akandikomberedza nemambure ake okuvhimisa.+
7 Tarirai! Ndinoramba ndichishevedzera kuti, ‘Ndakuvadzwa!’ asi handipindurwi;+Ndinoramba ndichichemera kubatsirwa, asi handiruramisirwi.+
8 Akavhara gwara rangu norusvingo rwematombo,+ ini handikwanisi kupfuura;Uye iye anoisa rima mumigwagwa yangu.+
9 Akabvisa kukudzwa kwangu,+Uye anobvisa korona yomusoro wangu.
10 Anondiputsira pasi kumativi ose, ndoenda;Uye anodzura tariro yangu sezvinoitwa muti.
11 Anonditsamwira kwazvo,+Uye anoramba achindiona semhandu yake.
12 Varwi vake vanouya vakabatana vogadzira nzira yavo kuti vandirwise,+Uye vanodzika musasa vakakomberedza tende rangu.
13 Iye akaisa hama dzangu kure neni,+Uye vanhu vanondiziva vandisiya.
14 Vandinozivana navo vepedyo havasisipo,+Uye vaya vandinoziva vandikanganwa,
15 Vaya vanogara vari vatorwa mumba mangu;+ uye varandasikana vangu vanondiona somumwe munhuwo zvake;Vava kundiona somunhu wokune imwe nyika.
16 Ndinoshevedza mushandi wangu, asi haapinduri.Ndinoramba ndichimuteterera nomuromo wangu kuti andinzwire tsitsi.
17 Mhepo yandinofema yava kusemesa mudzimai wangu,+Uye ndava kunhuhwa kuvanakomana vomudumbu raamai vangu.
18 Uyewo vakomana vaduku vandiramba;+Pandinosimuka, vanotanga kutaura zvakashata pamusoro pangu.
19 Vanhu vose veboka randaishamwaridzana naro vanondisema,+Uye vaya vandaida vandipandukira.+
20 Mapfupa angu anonamatira ganda rangu nenyama yangu,+Uye ndinopona nepaburi retsono.
21 Haiwa imi shamwari dzangu, ndinzwirei nyasha, ndinzwirei nyasha,+Nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.+
22 Munorambireiko muchinditambudza sezviri kuitwa naMwari,+Musingagutswi nenyama yangu?
23 Haiwa, kudai mashoko angu ainyorwa!Haiwa, kudai ainyorwa mubhuku!
24 Nechinyoreso chesimbi+ uye nomutobvu,Haiwa, kudai ainyorwa achiita zvokutemerwa padombo!
25 Ini ndinonyatsoziva kuti mudzikinuri+ wangu mupenyu,Uye iye achauya pashure pokunge ndaenda, omira+ paguruva.
26 Pashure pokunge vasvuura ganda rangu,—saizvozvi!Kunyange ndaondoroka ndichaona Mwari,
27 Wandichaona pachangu,+Iye achaonekwa nemaziso angu, asi kwete nomumwe munhuwo zvake.Itsvo dzangu dzaneta mukatikati mangu.
28 Nokuti imi munoti, ‘Tinorambirei tichimutambudza?’+Mudzi wenyaya yacho zvauri mukati mangu.
29 Ityai bakatwa,+Nokuti bakatwa rinoreva hasha dzinoitirwa kukanganisa,Kuti muzive kuti kune mutongi.”+