Jobho 21:1-34
21 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Imi, nyatsoteererai shoko rangu,Uye izvi ngazvikunyaradzei.
3 Ndishivirirei, ini nditaure;Mumwe nomumwe ozondinyomba hake pashure pokunge ndataura.+
4 Ko ini ndiri kuudza munhu zvinondinetsa here?Kana kuti nei simba rangu roupenyu richishivirira?
5 Nditarirei, murambe makatarira muchishamiswa,Uye batai miromo+ yenyu.
6 Kana ndayeuka, ndinonetsekawo,Uye muviri wangu unobvunda.
7 Nei vakaipa vachiramba vachirarama,+Vachikwegura, uyewo vachipfuma kwazvo?+
8 Vana vavo vanosimbiswa kwazvo vari pamwe chete navo vachivaona,Nevazukuru vavo vachivaona.
9 Dzimba dzavo dzinongova rugare chete, hadzina chinotyisa,+Uye havarohwi neshamhu yaMwari.
10 Nzombe yake inoberekesa, uye hairasi urume;Mhou yake inobereka+ uye haisvodzi.
11 Vanoramba vachibudisa vakomana vavo vaduku sezvinoitwa boka remakwai,Uye vanakomana vavo vanosvetuka-svetuka.
12 Vanoramba vachishevedzera vachiridza gandira norudimbwa,+Uye vanoramba vachifarira kurira kwomutopota.
13 Vanopedza mazuva avo vachifara,+Uye vanoburukira muSheori mushure menguva duku.
14 Vanoti kuna Mwari wechokwadi, ‘Ibvai kwatiri!+Hatifariri kuziva nzira dzenyu.+
15 Wemasimbaose chii, kuti timushumire,+Zvinotibatsirei kana tikataura naye?’+
16 Tarirai! Simba ravo harisi iro rakaita kuti vagarike.+Zano revakaipa rakaramba riri kure neni.+
17 Rambi revakaipa rinodzimwa kangani,+Njodzi yavo inouya pavari kangani?Iye anovaunzira ruparadziko akatsamwa kangani?+
18 Vanofanana here neshanga rinopeperetswa nemhepo,+Uye nehundi yatorwa nedutu?
19 Mwari achachengeta zvinhu zvinokuvadza zvomunhu nokuda kwevanakomana vake;+Achamupa mubayiro kuti azvizive.+
20 Maziso ake achaona kupera kwake,Uye achanwa hasha dzoWemasimbaose.+
21 Nokuti chii chaanozofarira mumba make iye asisipo,Mwedzi yake painenge yatapudzwa nepakati?+
22 Angadzidzisa Mwari zivo here,+Zvaari Iye anotonga vakakwirira?+
23 Munhu uyu achafa ava nezvakakwana,+Paanenge asinganetseki uye akagara zvakanaka;
24 Zvidya zvake pazvinenge zvazara nemafutaUye mwongo wemapfupa ake paunoramba wakanyorova.
25 Mumwe uyu achafa aine mweya unoshungurudzikaAsina kumboravira zvinhu zvakanaka.+
26 Vacharara muguruva vari pamwe chete+Uye honye dzichavafukidza.+
27 Tarirai! Ndinonyatsoziva pfungwa dzenyuNemazano amaizoda kushandisa kuti mundiitire chisimba.+
28 Nokuti munoti, ‘Imba yomunhu anokudzwa iri kupi,Uye tende riri kupi, idzo tebhenekeri dzevakaipa?’+
29 Hamuna kubvunza vaya vanofamba mumigwagwa here?Hamunyatsoongorori zviratidzo zvavo here?
30 Kuti pazuva renjodzi munhu akaipa anosiyiwa,+Uye kuti pazuva rokushatirwa kwazvo anonunurwa?
31 Ndiani achamuudza pachena nezvenzira yake?+Ndiani achamupa mubayiro wezvaakaita?+
32 Iye achaendeswa kumakuva,+Uye murindi achaiswa paguva.
33 Achanakirwa nemavhinga evhu romumupata une rukova,+Achakweva vanhu vose kuti vamutevere,+Uye vaya vakamutangira vakanga vasingaverengeki.
34 Zvino imi munoedza kundinyaradza zvisina zvazvinobatsira sei,+Mhinduro dzenyu dzose hadzina kutendeka!”