Jobho 22:1-30
22 Zvino Erifazi muTemani akapindura, akati:
2 “Murume akagwinya angabatsira Mwari here,+Uye ani naani ane njere angamubatsira here?
3 Wemasimbaose anofara nokuti iwe wakarurama here,+Kana kuti ane chaanowana here nokuti iwe unoita kuti nzira yako isava nechainopomerwa?+
4 Angakutsiura nokuti unomutya here,Angatongana newe here?+
5 Zvakaipa zvako hazvina kutonyanyisa here,+Uye kukanganisa kwako hakuzoperi here?
6 Nokuti unotora chokumbofanobata kuhama dzako pasina chikonzero,+Uye unopfekenura nguo dzevanhu vasina kupfeka.
7 Haupi munhu akaneta mvura yokunwa,Uye unonyima munhu ane nzara zvokudya.+
8 Nyika ndeyomurume ane simba,+Munhu anokudzwa ndiye anogara mairi.
9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu,Uye wakapwanya maoko enherera.+
10 Ndokusaka wakakomberedzwa nemisungo yeshiri,+Uye kutya kunongoerekana kwauya kuchikunetsa;
11 Kana kuti rima, zvokuti haungaoni,Uye mvura zhinji ine mafungu inokufukidza.
12 Mwari haana kukwirira sokukwirira kwakaita kudenga here?+Onawo nyeredzi dzose,+ kuti dzakakwirira.
13 Asi iwe wati: ‘Mwari anozivei?Angatonga nomuzarima here?
14 Makore ndiwo nzvimbo yake yaanovanda zvokuti haaoni,Anofamba-famba pamusoro pedenga rakatenderera.’
15 Ucharamba uri munzira yekare kareYakatsikwa nevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,
16 Vanhu vakabvutwa nguva yavo isati yasvika,+Vane nheyo+ dzinoyerera sorwizi,
17 Vanoti kuna Mwari wechokwadi: ‘Ibvai kwatiri!+Uye Wemasimbaose angatiitei?’
18 Asi iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka;+Kana riri zano revakaipa riri kure neni.+
19 Vakarurama vachaona kuparara kwavo vofara,+Uye munhu asina mhosva achavanyomba achiti:
20 ‘Chokwadi mhandu dzedu dzabviswa;Zvinhu zvavo zvakasara zvichaparadzwa nomoto.’
21 Ndapota, zivana naMwari, uve norugare;Ipapo uchaitirwa zvinhu zvakanaka.
22 Ndapota, gamuchira mutemo unobva mumuromo make,Uise mashoko ake mumwoyo mako.+
23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose,+ uchavakwazve;Kana ukaita kuti zvisina kururama zvirambe zviri kure netende rako,
24 Kana ukaisa dombo rinokosha muguruvaUye ndarama yokuOfiri+ mudombo romumipata ine hova,
25 Wemasimbaose achavawo matombo ako anokosha,Nesirivha yakanaka kwazvo kwauri.+
26 Nokuti uchabva wafarira kwazvo Wemasimbaose,+Uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.+
27 Uchamuteterera, uye iye achakunzwa;+Ucharipa mhiko dzako.+
28 Uchasarudza chimwe chinhu, uye chichaitika nokuda kwako;Chiedza chichavhenekera nzira dzako.+
29 Nokuti iwe uchaninipiswa paunotaura uchizvitutumadza;+Asi iye achaponesa munhu anozvininipisa.+
30 Iye achanunura munhu asina mhosva,+Uye iwe uchanunurwa nokuda kwokuchena kwemaoko ako.”+