Jobho 23:1-17
23 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Kunyange nhasi kunetseka+ kwangu kupandukira;Ruoko rwangu ruri kurema nokuda kwokugomera kwangu.
3 Haiwa, kudai ndaiziva kwandingamuwana!+Ndaizoenda kunzvimbo yake yaanogara isingachinji.+
4 Ndaizoendesa mhosva inofanira kutongwa pamberi pake,Uye ndaizozadza muromo wangu nokupikisa;
5 Ndaizoziva mashoko aanondipindura nawo,Uye ndaizofunga zvaanondiudza.+
6 Aizorwisana neni nesimba rake guru here?Haiwa, kwete! Chokwadi aizonditeerera.+
7 Ikoko munhu akarurama aizoruramisa zvinhu naye,Uye ndaizobva kumutongi wangu ndasunungurwa pamhosva nokusingaperi.
8 Tarirai! Ndinoenda kumabvazuva, asi iye haasi ikoko;Uye ndinodzokazve, asi handimuoni;+
9 Ndinoenda kuruboshwe kwaari kushandira, asi handimuoni;Iye anotsaukira kurudyi, asi handimuoni.
10 Nokuti anonyatsoziva nzira yandinoshandisa.+Pashure pokunge andiedza, ndichabuda ndakaita sendarama.+
11 Tsoka yangu yakatsika makatsika tsoka dzake;Ndakachengeta nzira yake, uye handitsauki.+
12 Handibvi pamurayiro wemiromo yake.+Ndakachengeta mashoko omuromo wake+ kupfuura zvaanoda kwandiri.
13 Iye anongofunga nezvechinhu chimwe chete, ndiani angamudzivisa?+Mweya wake une zvaunoda, uye iye achazviita.+
14 Nokuti achanyatsoita zvaanoda kwandiri,+Uye zvinhu zvakadai zvizhinji kwaari.
15 Ndokusaka ndichinetseka nokuda kwake;Ndinonyatsofunga nezvake, uye ndinomutya.+
16 Chokwadi Mwari akaita kuti mwoyo wangu utye,+Uye Wemasimbaose aita kuti ndinetseke.+
17 Nokuti handina kuitwa kuti ndinyarare nerima,Kana kuti nokuti rima rafukidza chiso changu.