Jobho 24:1-25
24 “Neiko Wemasimbaose asina kutara nguva yokutonga,+Uye nei vaya vanomuziva vasina kuona mazuva ake?+
2 Kune vaya vanochinja zvinoratidza pane muganhu;+Vakatora boka rezvipfuwo nechisimba, kuti varifudze.
3 Vanotinha mbongoro hono yenherera;Vanotora nzombe yechirikadzi nechisimba kuti ive chokumbofanobata.+
4 Vanotsausa varombo panzira;+Uyewo vanotambudzika vepanyika vanoramba vakavanda.
5 Tarirai! Sezvinoita mbizi+ murenjeIvo vanoenda kubasa ravo, vachitsvaka zvokudya.Bani rerenje rinopa mumwe nomumwe zvokudya zvevakomana vacho.
6 Vanokohwa zvokudya zvayo muminda,Uye vanokurumidza kupamba munda wemizambiringa womunhu akaipa.
7 Vanorara usiku vasina nguo, vasina kupfeka,+Uye vasina chokufuka muchando.+
8 Vanonyoroveswa nedutu rine mvura romumakomo,Uye vanombundira dombo nokuti hapana pokuvanda.+
9 Vakaipa vanobvuta nherera kubva pazamu,+Uye vanotora zvinhu zviri pamunhu anotambudzika kuti zvive chokumbofanobata.+
10 Naizvozvo vanotambudzika vanofamba vasina nguo, vasina kupfeka,Uye vanotakura hura dzezviyo dzakakohwewa vaine nzara.+
11 Vanopedza masikati vari pakati pezvidziro zvepamitenu;Vanotsika-tsika chisviniro chewaini, asi vanofa nenyota.+
12 Vanhu vari kufa vanoramba vachigomera zvinonzwika kunze kweguta,Mweya yevakakuvadzwa kwazvo inochemera kubatsirwa;+Asi Mwari haazvioni sechinhu chisina kukodzera.+
13 Ivo vakaipa vacho ndevamwe vevanopandukira chiedza;+Havana kuziva nzira dzacho,Uye havana kugara mumigwagwa yacho.
14 Mhondi inomuka kwaedza,Inouraya anotambudzika nomurombo;+Usiku inova mbavha chaiyo.+
15 Ziso remhombwe+ rinomirira rima remanheru,+Ichiti, ‘Hapana ziso richandiona!’+Uye inofukidza chiso chayo.
16 Mbavha inopaza ichipinda mudzimba kuine rima;Masikati dzinoramba dzakazvikiyira mukati.Hadzizivi chiedza.+
17 Nokuti kwadziri mangwanani akafanana nezarima,+Nokuti dzinoziva zvinongoerekana zvavhundutsa zvezarima.
18 Vakaipa vanomhanya kwazvo pamusoro pemvura.Chikamu chavo chomunda chichatukwa panyika.+Havazotsaukiri kuminda yemizambiringa.
19 Kusanaya kwemvura, uyewo kupisa, zvinobvuta mvura inobva muchando;Ndizvo zvinoitawo Sheori kune vaya vakatadza!+
20 Chibereko chichamukanganwa, honye dzichatapirirwa nokumuyamwa,+Haazoyeukwizve.+Zvinhu zvisina kururama zvichatyorwa sezvinoitwa muti.+
21 Anofambidzana nomukadzi asingabereki,Uye nechirikadzi,+ yaasingaitiri zvakanaka.
22 Achakwekweretsa vanhu vakasimba nesimba rake achivabvisa;Achasimuka asi haazovi nechokwadi noupenyu hwake.
23 Achamubvumira kuti ave nechivimbo+ kuti azvitsigire;Uye maziso ake achava panzira dzavo.+
24 Vanokudzwa kwenguva duku, vobva vaenda,+Vanoderedzwa;+ vodzurwa sezvinoitwa munhu wose,Uye vanochekwa sezvinoitwa musoro wehura yezviyo.
25 Saka zvino, ndiani achandiita murevi wenhemaKana kuita kuti shoko rangu rive risina basa?”