Jobho 25:1-6
25 Zvino Bhiridhadhi+ muShuhi akapindura, akati:
2 “Kutonga nokutyisa zvinaye;+Iye anoita kuti nzvimbo dzake dzakakwirira dzive norugare.
3 Varwi vake vanoverengeka here?Ndiani asingabudirwi nechiedza chake?
4 Naizvozvo munhuwo zvake angava akarurama pamberi paMwari sei,+Kana kuti munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?+
5 Tarirai! Kune mwedzi, asi hauna kujeka;Uye nyeredzi hadzina kuchena pamberi pake.
6 Zvakadini nomunhuwo zvake, honye zvayo,Uye mwanakomana womunhu, honye zvayo!”+