Jobho 26:1-14

26  Zvino Jobho akapindura, akati:   “Haiwa, wave uri rubatsiro rwakadini kumunhu asina simba!Haiwa, waponesa ruoko rusina simba zvakadini!+   Warayira munhu asina uchenjeri zvakadini,+Uye waita kuti uchenjeri hunobatsira huzivikanwe nevazhinji!   Ndiani wawaudza mashoko?Mhepo yokufema yabuda mauri ndeyaani?   Vaya vasina simba vari murufu vanoramba vachidederaVari pasi pemvura pamwe chete nezviya zvinogara mairi.+   Sheori haina kupfeka pamberi pake,+Nzvimbo yokuparadza haina chokufuka.   Anotatamura kuchamhembe panzvimbo isina chinhu,+Achiturika nyika pasina chinhu;   Achiputira mvura mumakore ake,+Zvokuti gore gobvu haritsemurwi nayo;   Achifukidza chigaro choumambo,Achiwarira gore rake pamusoro pacho.+ 10  Akatara denderedzwa pamusoro pemvura,+Kusvikira kunogumira chiedza murima. 11  Mbiru dzedenga dzinozununguka,Uye dzinoshamiswa nokutuka kwake. 12  Anonyandura gungwa nesimba rake,+Anogura-gura+ mudenhi+ achishandisa kunzwisisa kwake. 13  Anobwinyisa denga nemhepo yake,+Ruoko rwake rwakabaya nyoka inozvongonyoka.+ 14  Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake,+Uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake!Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”+

Mashoko Emuzasi