Jobho 27:1-23
27 Zvino Jobho akasimudzirazve chirevo chake,+ akati:
2 “NaMwari mupenyu,+ akandibvisira kururama kwangu,+Naiye Wemasimbaose mupenyu, akashungurudza mweya wangu,+
3 Mhepo yangu yokufema ichiri mandiri yose,Simba roupenyu raMwari richiri mumhino dzangu,+
4 Miromo yangu haizotauri zvisina kururamaUye rurimi rwangu haruzotauri zvinonyengera!
5 Handingambofungi zvakadaro kuti nditi imi makarurama!+Handizorasi kuvimbika+ kwangu kusvikira ndafa!
6 Ndakabatisisa kururama kwangu, uye handizokuregedzi;+Mwoyo wangu hauzondishori pamazuva angu ose.+
7 Muvengi wangu ngaave munhu akaipa munzira dzose,+Uye anondimukira ngaave munhu anoita zvakaipa.
8 Nokuti munhu anotsauka achava netariro yei kana iye akamuparadza,+Kana Mwari akamutorera mweya wake?+
9 Mwari achanzwa kuchema kwake hereKana akawirwa nokutambudzika?+
10 Kana kuti achafarira kwazvo Wemasimbaose here?Achashevedzera kuna Mwari nguva dzose here?
11 Ndichakurayiridzai noruoko rwaMwari;Handizovanzi zvinhu zvine Wemasimbaose.+
12 Tarirai! Imi mose mune zvamakaratidzwa;Saka nei muchiratidza kuti hamubatsiri zvachose?+
13 Uyu ndiwo mugove womunhu akaipa unobva kuna Mwari;+Uye vachagamuchira nhaka yevadzvinyiriri inobva kune Wemasimbaose.
14 Kana vanakomana vake vakava vazhinji, vachaurayiwa nebakatwa;+Vazukuru vake havazovi nezvokudya zvakakwana.
15 Vanopona vake vachavigwa munguva yedenda rinouraya,Uye chirikadzi dzavo hadzizosvimhi misodzi.+
16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva,Akagadzira zvipfeko zvakaita sevhu,
17 Angagadzira hake, asi munhu akarurama ndiye achazvipfeka,+Uye asina mhosva ndiye achawana mugove wesirivha yacho.
18 Anovaka imba yake sezvinoita chitemamachira,Uye sedumba+ rakagadzirwa nomurindi.
19 Acharara pasi akapfuma, asi hapana chichaunganidzwa;Achasvinudza maziso ake, asi pachange pasina chiripo.+
20 Zvinongoerekana zvavhundutsa zvichamubata semvura;+Dutu richamuba usiku.
21 Mhepo yokumabvazuva ichamutakura,+ oenda,Ichamupeperetsa ichimubvisa panzvimbo yake.+
22 Ichavhuvhutira paari uye haizonzwi tsitsi;+Chokwadi achaedza kutiza simba rayo.+
23 Mumwe acharovanisa maoko ake paari+Uye achamuridzira muridzo+ ari panzvimbo pake.