Jobho 28:1-28
28 “Pane nzvimbo inowanika sirivhaNenzvimbo yendarama yavanonatsa;+
2 Simbi inotorwa muguruva+Uye mhangura inodururwa ichibva mudombo.
3 Akatara panogumira rima;Uye kumigumo yose ari kutsvaka+Matombo murima nomuzarima.
4 Anochera mugodhi kure nokunogara vanhu vari vatorwa,+Munzvimbo dzakakanganwika dziri kure netsoka;Vamwe vanhuwo zvavo vanodzika pasi vakarembera, vanozeya uku nokoko.
5 Kana iri nyika, zvokudya zvinobuda mairi;+Asi pasi payo, yakashandurwa sokunge kuti nomoto.
6 Matombo ayo inzvimbo yematombo anonzi safaya,+Uye ane guruva rendarama.
7 Nzira yacho—hapana shiri inodya nyama+ inoiziva,Uye hapana ziso rengavi nhema+ rinoiona.
8 Haitsikwi-tsikwi nezvikara zvikuru;Haifambwi neshumba duku.
9 Anotambanudzira ruoko rwake kudombo rakaoma kwazvo;Anoparadza makomo kubvira pamidzi yawo;
10 Anochera migero yakazara mvura mumatombo,+Uye ziso rake rinoona zvinhu zvose zvinokosha.
11 Anodzivira nzvimbo dzinobudisa mvura inoyerera munzizi,+Uye anobudisa chinhu chakavanzwa achichiisa pachiedza.
12 Asi uchenjeri—hungawanikwa kupi?+Uye zvino, nzvimbo yokunzwisisa iri kupi?
13 Munhuwo zvake haazivi mutengo wahwo,+Hahuwaniki munyika yevapenyu.
14 Mvura yakadzika inoti,‘Hahusi mandiri!’Gungwawo rinoti, ‘Hahusi mandiri!’+
15 Ndarama chaiyo haigoni kuchinjaniswa nahwo,+Uye sirivha haigoni kuyerwa kuti ive mutengo wahwo.
16 Hahungatengwi nendarama yokuOfiri,+Nedombo reonikisi risingawanzowaniki kana nesafaya.
17 Ndarama negirazi hazvingaenzaniswi nahwo,Uyewo hapana chero mudziyo upi zvawo wendarama yakanatswa ungachinjaniswa nahwo.
18 Dombo rekorari+ nedombo rekristaro haazotaurwi nezvawo,Asi homwe izere nouchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.+
19 Topazi+ yokuKushi haingaenzaniswi nahwo;Hahugoni kutengwa kunyange nendarama yakanatswa.
20 Asi uchenjeri—hunobva kupi?+Uye zvino, nzvimbo yokunzwisisa iri kupi?
21 Hwave hwakavanzirwa maziso omunhu wose mupenyu,+Uye hwave hwakavanzirwa zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga.
22 Kuparadza norufu zvinoti,‘Takanzwa mashoko pamusoro pahwo nenzeve dzedu.’
23 Mwari ndiye anonzwisisa nzira yahwo,+Ndiye anoziva nzvimbo yahwo,
24 Nokuti iye anotarira kumigumo yenyika;+Anoona zviri pasi pematenga ose,
25 Kuti ayere kurema kwemhepo,+Paanoyera mvura nechiyero;+
26 Paakapa mvura inonaya murau,+Uye gore redutu rinotinhira nzira yaro,
27 Ndipo paakaona uchenjeri, akataura nezvahwo;Akahugadzira, akahuongororawo.
28 Akati kumunhu,‘Tarira! Kutya Jehovha—ndihwo uchenjeri,+Uye kubva pane zvakaipa ndiko kunzwisisa.’”+