Jobho 29:1-25
29 Zvino Jobho akasimudzirazve chirevo chake, akati:
2 “Haiwa, kudai ndaiva mumwedzi yekare kare,+Sepamazuva andaichengetedzwa naMwari;+
3 Paaiita kuti rambi rake rivhenekere pamusoro wangu,Pandaifamba nomurima ndichivhenekerwa nechiedza chake;+
4 Sezvandakanga ndakaita pamazuva andakanga ndichiri muduku,+Ushamwari naMwari pahwaiva patende rangu;+
5 Wemasimbaose paakanga achiri neni,Vashandi vangu pavakanga vakandikomberedza!
6 Pandaigeza mandaitsika noruomba,Uye dombo parairamba richindidururira hova dzemafuta;+
7 Pandaienda kugedhi retaundi,+Pandaigadzira chigaro changu munzvimbo inoungana vanhu!+
8 Vakomana vaindiona, vovanda,Kunyange vakura vaisimuka, vomira.+
9 Machinda airega kutaura mashoko,Uye aibata miromo yawo.+
10 Inzwi revatungamiriri raivanzwa,Uye rurimi rwavo rwainamatira mukanwa mavo.+
11 Nokuti nzeve yakanzwa, ikanditi ndinofara,Uye ziso rakaona, rikandipupurira.
12 Nokuti ndainunura munhu anotambudzika aichemera kubatsirwa,+Nenherera nomunhu chero upi zvake akanga asina mubatsiri.+
13 Kukomborera+ kwomunhu akanga ava kuda kuparara—kwaiuya pandiri,Uye ndaiita kuti mwoyo wechirikadzi ufare.+
14 Ndaifuka kururama, uye iko kwaindifukidzawo.+Kururamisira kwangu kwakanga kwakaita sejasi risina maoko—uye ngowani.
15 Ndaiva maziso ebofu;+Uye ndaiva tsoka kune akaremara.
16 Ndaiva baba chaivo kuvarombo;+Uye kana iri mhosva yomunhu wandaisaziva—ndaiiongorora.+
17 Ndaityora mapfupa eshaya dzomunhu anoita zvakaipa,+Uye ndaibvuta chainge chabatwa nemazino ake.
18 Ndaiti, ‘Ndichafira mudendere rangu,+Uye ndichaita kuti mazuva angu awande sejecha.+
19 Mudzi wangu wakavhurirwa mvura,+Uye dova richapedza usiku hwose riri padavi rangu.
20 Kukudzwa kwangu kunoramba kuri kutsva kwandiri,Uye uta hwangu huri muruoko rwangu hucharamba huchipfura.’
21 Vainditeerera; uye vaimirira,Vairamba vakanyarara nokuda kwezano rangu.+
22 Vaisazotaurazve pashure pokunge ndataura shoko rangu,Uye shoko rangu raidonhera pavari.+
23 Vaindimirira sezvinoitwa mvura inonaya,+Uye vaishama miromo yavo kwazvo nokuda kwemvura yokupedzisira.+
24 Ndaivanyemwerera—ivo vaisazvitenda—Uye vaisadzima chiedza chechiso changu.+
25 Ndaivasarudzira nzira, uye ndaigara somukuru wavo;Ndaigara samambo ari pakati pevarwi vake,+Somunhu anonyaradza vanochema.+