Jobho 3:1-26
3 Pashure peizvi Jobho akashama muromo wake, akatanga kutuka zuva rake.+
2 Zvino Jobho akapindura, akati:
3 “Zuva randakaberekwa ngariparare,+Nousiku hwakataura mumwe munhu achiti, ‘Kwanambwa munhurume!’
4 Zuva iroro ngarive rima.Mwari ngaarege kuva nehanya naro ari kumusoro,Uyewo chiedza chemasikati ngachirege kurivhenekera.
5 Kusviba nezarima ngazviritore.Gore remvura ngarigare pamusoro paro.Zvinhu zvinosvibisa zuva ngazvirivhundutse.+
6 Usiku ihwohwo—ngahutorwe nerima;+Ngahurege kufara pamazuva egore;Ngahurege kuverengwa pauwandu hwemwedzi.
7 Tarirai! Usiku ihwohwo—ngahuve husingabereki;Kushevedzera kwokufara ngakurege kupinda mahuri.+
8 Vanotuka zuva ngavahutuke,Vaya vakagadzirira kumutsa Revhiatani.+
9 Nyeredzi dzemambakwedza ahwo ngadzisvibe;Ngahumirire chiedza asi chirege kuvapo;Ngahurege kuona mwaranzi yemambakwedza.
10 Nokuti hahuna kuvhara masuo edumbu raamai vangu,+Kuti huvanzire maziso angu kutambudzika.
11 Nei ndisina kufira muchibereko?+Nei ndisina kubuda mudumbu ndichibva ndafa?
12 Nei mabvi akandigamuchira,Uye mazamu+ kuti ndiyamwe?
13 Nokuti iye zvino ndingadai ndakarara ndisinganetseki;+Ipapo ndingadai ndakarara; ndingadai ndakazorora+
14 Pamwe chete nemadzimambo nemakurukota enyika,+Vaya vanozvivakira nzvimbo dzakaitwa matongo,+
15 Kana nemachinda ane ndarama,Aya anozadza dzimba dzawo nesirivha;
16 Kana kuti, ndingadai ndisina kuvapo, sezvinoita pamuviri panobva pasingazivikanwi,+Sevana vasina kuona chiedza.+
17 Ikoko vakaipa vanorega kutambudza,+Uye ikoko vaya vasina simba vanozorora.+
18 Vasungwa vagere zvakanaka pamwe chete;Havanzwi inzwi reanovashandisa.+
19 Ikoko vaduku nevakuru vakangofanana,+Uye muranda anosunungurwa pana tenzi wake.
20 Anopireiko uya ari kutambudzika chiedza,Noupenyu kune vaya vane mweya inoshungurudzika?+
21 Nei kuine vaya vanomirira rufu, irwo rusingauyi,+Kunyange zvazvo vachiramba vachichera kuti varuwane kupfuura zvinoitwa pfuma yakavanzwa?
22 Vaya vanofara kwazvo,Vanopembera nomufaro nokuti vanowana guva.
23 Iye anopireiko murume akagwinya chiedza, iye ane nzira yakavanzwa,+Iye akapoteredzwa noruzhowa naMwari?+
24 Nokuti kugomera kwangu kunotangira zvokudya zvangu,+Kuuura kwangu kunodururwa semvura;+
25 Nokuti ndakatya chinhu chinotyisa, uye icho chinouya pandiri;Uye chinhu chandaitya chinouya kwandiri.+
26 Ndave ndichitambudzika, uyewo ndichinetseka,Uyewo ndisingazorori, asi kutambudzika kunongouya.”