Jobho 31:1-40
31 “Ndakaita sungano nemaziso angu.+Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara?+
2 Mugove unobva kuna Mwari ari kumusoro chii,+Kana kuti nhaka inobva kuna Wemasimbaose kumusoro chii?
3 Hakuna here njodzi inouya kune munhu anoita zvakaipa,+Uye nhamo inouya kune vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza?
4 Ko iye haaoni here nzira dzangu+Nokuverenga nhanho dzangu dzose?
5 Kana ndakafamba nevanhu venhema,+Uye kana tsoka yangu ichimhanyira kuunyengeri,+
6 Iye achandiyera pachikero chakarurama+Uye Mwari achaziva kuvimbika kwangu.+
7 Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira,+Kana kuti mwoyo wangu wakatevera maziso angu,+Kana kuti chero mhosva ipi zvayo yakanamatira muzvanza zvangu,+
8 Regai ndidyare mbeu asi mumwe munhuwo zvake adye,+Uye vazukuru vangu ngavadzurwe.
9 Kana mwoyo wangu wakanyengerwa kuti ude mumwe mukadzi,+Ndikaramba ndakavandira+ pasuo reshamwari yangu,
10 Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,Uye vamwe varume ngavapfugame pamusoro pake.+
11 Nokuti kuita izvozvo kwaizova kusazvibata,Uye kwaizova kukanganisa kunofanira kutarisirwa nevatongi.+
12 Nokuti izvozvo zvaizova moto unopisa kusvikira waparadza,+Uye waizodzika midzi pakati pezvibereko zvangu zvose.
13 Kana ndairamba kururamisira mushandirume wanguKana kuti mushandikadzi wangu pamhosva yavo neni,
14 Saka ndingaiteiko Mwari paanosimuka?Ndingamupindureiko paanoita kuti ndizvidavirire?+
15 Iye akandiita mudumbu haasi iye akamuitawo here,+Haasi iye Mumwe chete akatiumba muchibereko here?
16 Kana ndainyima vakaderera zvavanofarira,+Uye ndainetesa maziso echirikadzi,+
17 Kana ndaidya chimedu changu ndiri ndoga,Nherera isingachidyiwo+
18 (Nokuti kubvira ndichiri muduku iyo yakakura neni sokunge kuti yaiva nababa,Ndakaramba ndichitungamirira chirikadzi kubvira mudumbu raamai vangu);
19 Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nokuda kwokushayiwa nguo,+Kana kuti ndaiona kuti murombo haana chokufuka;
20 Kana chiuno chake chisina kundikomborera,+Kana kuti asina kudziyirwa nemvere dzakaveurwa+ dzemakondohwe angu maduku;
21 Kana ndaivheyesera nherera ruoko rwangu,+Pandaiona kuti ndaifanira kubatsira pagedhi,+
22 Bendekete rangu ngariwe richibva papfudzi raro,Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepapfupa rarwo repamusoro.
23 Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yaindityisa,Uye handina kukwanisa kuita chinhu nokuda kwokukudzwa kwake.+
24 Kana ndakavimba nendarama,Kana kuti ndakati kundarama, ‘Ndinovimba newe!’+
25 Kana ndaifara nokuti pfuma yangu yaiva zhinji,+Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvinhu zvizhinji;+
26 Kana ndaiona chiedza pachaipenya,Kana kuti mwedzi unokosha uchifamba,+
27 Uye mwoyo wangu wakatanga kunyengerwa pakavanda+Ruoko rwangu rukatsvoda muromo wangu,
28 Izvozvowo zvaizova kukanganisa kunoda kutarisirwa nevatongi,Nokuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.
29 Kana ndaifarira kutsakatika kwomunhu anondivenga kwazvo,+Kana ndaifara kwazvo kuti zvakaipa zvamuwana—
30 Handina kubvumira mukanwa mangu kuti mutadzeNokukumbira kuti mweya wake utukwe.+
31 Kana vanhu vomutende rangu vasina kuti,‘Ndiani angati pane munhu asina kuguta nezvokudya zvake?’+—
32 Hapana mutorwa airara panze;+Ndairamba ndakavhurira vaya vaifamba munzira masuo angu.
33 Kana ndakafukidza kudarika kwangu somunhu wepanyika+Nokuvanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu—
34 Nokuti ndaizovhunduka paboka guru revanhu,Kana kuti kuzvidza kwemhuri kwaizondivhundutsaUye ndaizoramba ndakanyarara, ndaisazobuda pasuo.
35 Haiwa, kudai ndaiva nomumwe munhu anonditeerera,+Kudai Wemasimbaose aindipindura zvinoenderana norunyoro rwangu!+Kana kuti kudai munhu ane mhosva neni akanga anyora rugwaro!
36 Chokwadi ndaizorutakura papfudzi rangu;Ndaizorusungirira pandiri sekorona yakanaka.
37 Ndaizomuudza kuwanda kwenhanho dzangu;+Ndaizoenda kwaari somutungamiriri.
38 Kana munda wangu ukachema kwandiri kuti ubatsirwe,Uye miforo yawo ikasvimha misodzi pamwe chete;
39 Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kubhadhara mari,+Uye ndaita kuti mweya yevaridzi vawo ifemereke,+
40 Utumbambeva ngahumere panzvimbo pegorosi,+Sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.”
Mashoko aJobho apera.