Jobho 32:1-22
32 Naizvozvo varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga achizviti akarurama.+
2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi+ wemhuri yaRamu akatsamwa kwazvo. Akatsamwira Jobho kwazvo nokuti iye akanga ati mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.+
3 Akatsamwirawo shamwari dzake nhatu kwazvo nokuti dzakanga dzisina kuwana mhinduro asi dzakataura kuti Mwari akaipa.+
4 Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti vakanga vari vakuru kwaari pamazuva.+
5 Erihu akazoona kuti mumiromo+ yevarume vatatu vacho makanga musina mhinduro, akaramba achitsamwa kwazvo.
6 Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akapindura, akati:
“Ndiri muduku pamazuvaAsi imi muri vakuru.+Ndokusaka ndakazvidzora, ndikatya
Kukuudzai zvandinoziva.
7 Ndakati, ‘Vane mazuva ngavataure,Uye vane makore mazhinji ndivo vanofanira kuita kuti uchenjeri huzivikanwe.’+
8 Chokwadi simba roupenyu riri muvanhuwo zvavoNemhepo yokufema yoWemasimbaose ndizvo zvinovapa kunzwisisa.+
9 Vaya vane mazuva mazhinji havasi ivo vakachenjera,+Uye vaya vakakwegura havasi ivo vanonzwisisa kutonga.+
10 Naizvozvo ndati, ‘Chinditeerera.Ini, iyeni ndichataurawo zvandinoziva.’
11 Tarirai! Ndanga ndakamirira mashoko enyu,Ndanga ndichingoteerera mafungiro enyu,+Imi muchitsvaka mashoko okutaura.
12 Ndanga ndichingokuteererai,Asi tarirai hapana ari kutsiura Jobho,Hapana kana mumwe chete wenyu ari kupindura zvaari kutaura,
13 Saka musazoti, ‘Tawana uchenjeri;Mwari ndiye angamutsiura, kwete munhu.’+
14 Zvaasina kutaura mashoko kwandiri,Naizvozvo handizomupinduri nemashoko enyu.
15 Vavhundutswa, havana kupindurazve;Mashoko avatiza.
16 Ini ndamirira, nokuti havasi kuramba vachitaura;Nokuti vamira, havasisiri kupindura.
17 Ini, iyeni ndichapindura;Ini, iyeni ndichataurawo zvandinoziva;
18 Nokuti ndazara nemashoko;Mudzimu uri kundimanikidza+ mudumbu mangu.
19 Tarirai! Dumbu rangu rakaita sewaini isina pokubuda napo;Riri kuda kuparuka sezvinoita hombodo itsva.+
20 Regai nditaure kuti zvindirerukire.Ndichashama miromo yangu kuti ndipindure.+
21 Ndapota, ngandirege hangu kusarura munhu;+Handizotumidzi munhu wepanyika zita rokuremekedza+ ndichimubata kumeso;
22 Nokuti handizivi nzira yandingatumidza nayo zita rokuremekedza ndichibata kumeso;
Muiti+ wangu angandibvisa zviri nyore nyore.