Jobho 33:1-33

33  “Zvino, ndapota inzwa mashoko angu, haiwa iwe Jobho,Uteerere zvose zvandichataura.   Ndapota, tarira! ndinofanira kushama muromo wangu;Rurimi rwangu nomukanwa mangu+ zvinofanira kutaura.   Mashoko angu ndiko kururama kwomwoyo wangu,+Uye miromo yangu inotaura zvainoziva nokutendeka.+   Mudzimu waMwari wakandisika,+Uye mhepo yoWemasimbaose yokufema yakaita kuti ndive mupenyu.+   Kana uchikwanisa, ndipindure,Ronga mashoko pamberi pangu; ugadzirire hako.   Tarira! Ndakangoitawo sezvawakaita kuna Mwari wechokwadi;+Neniwo ndakaumbwa nevhu.+   Tarira! Handina chinotyisa chingakutyisa,Uye handina chinomanikidza+ chingakuremera.   Kungoti wakataura ndichinzwa,Uye ndakaramba ndichinzwa mashoko ako okuti,   ‘Ndakachena, handina kudarika;+Ndakachena, uye handina kukanganisa.+ 10  Tarirai! Iye anonditsvakira mhosva,Anondiona somuvengi wake.+ 11  Anoisa tsoka dzangu mumatanda,+Anotarira makwara angu ose.’+ 12  Tarira! Ndinokupindura kuti hauna kururama pachinhu ichi;+Nokuti Mwari mukuru kwazvo kupfuura munhuwo zvake.+ 13  Nei wakarwisana naye,+Nokuti haapinduri mashoko ako ose here?+ 14  Nokuti Mwari anotaura kamwe chete,Uye kaviri+—kunyange zvazvo munhu asingazviteereri— 15  Pakurota,+ pane zvinoratidzwa+ usiku,Vanhu pavanobatwa nehope huru,Pavanenge vakakotsira vari pamubhedha.+ 16  Ndipo paanovhura nzeve dzevanhu,+Uye anoisa chisimbiso chake pane zvaanovarayira, 17  Kuti aite kuti munhu arege basa rake,+Uye kuti avanze kudada+ kwomurume akagwinya. 18  Anodzora mweya wake kuti urege kuenda mugomba+Noupenyu hwake kuti hurege kuparadzwa nechombo chinoitwa zvokukandwa.+ 19  Anotsiurwa nemarwadzo ari pamubhedha wake,Uye mapfupa ake anoramba achitambudzika. 20  Upenyu hwake hunoita kuti chingwa chisemese,+Uye mweya wake unoita kuti zvokudya zvinonaka zvisemese. 21  Nyama yake inopera zvokusaoneka,Uye mapfupa ake aisaoneka anobuda pachena. 22  Mweya wake unoswedera pedyo negomba,+Uye upenyu hwake hunoswedera pedyo nevaya vanokonzera rufu. 23  Kana nhume ikasvika kwaari,Mutauriri, mumwe chete pane vane chiuru,Kuti azoudza munhu kururama kwake, 24  Anobva amunzwira nyasha oti,‘Ngaarege kuburukira mugomba!+Ndawana rudzikinuro!+ 25  Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku;+Ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.’+ 26  Achateterera Mwari kuti amufarire,+Achaona chiso chake achishevedzera nokufara,Uye Iye achadzorera munhuwo zvake kururama Kwake. 27  Achaimbira vanhu, achiti,‘Ndakatadza;+ ndakatsaudzira pazvinhu zvakarurama,Uye zvakanga zvisiri chinhu chakakodzera kwandiri. 28  Iye akadzikinura mweya wangu kuti urege kuburukira mugomba,+Uye upenyu hwangu huchaona chiedza.’ 29  Tarirai! Mwari anoita zvinhu zvose izvi,Kaviri, katatu, nokuda kwomurume akagwinya, 30  Kuti adzore mweya wake kuti urege kuenda mugomba,+Kuti avhenekerwe nechiedza chevapenyu.+ 31  Teerera, haiwa iwe Jobho! Nditeerere!Ramba wakanyarara, uye ini ndicharamba ndichitaura. 32  Kana paine chero mashoko api zvawo okutaura, ndipindure;Taura, nokuti ndafarira kururama kwako. 33  Kana pasina, iwe nditeerere;+Ramba wakanyarara, uye ini ndichakudzidzisa uchenjeri.”

Mashoko Emuzasi