Jobho 34:1-37

34  Zvino Erihu akaenderera mberi achipindura kuti:   “Teererai mashoko angu, imi vakachenjera;Nditeererei, imi vanoziva.   Nokuti nzeve inoedza mashoko,+Sokuravira kunoita rurimi pakudya.+   Ngatizvisarudzirei kutonga kwakarurama;Tose ngatizivei kuti zvakanaka ndezvipi.   Nokuti Jobho ati, ‘Ndakarurama,+Asi Mwari akatsaudzira kutongwa kwangu kwakarurama.+   Ndinoreva nhema pamusoro pekodzero yangu yokuti nditongwe zvakarurama here?Ronda rangu rinorwadza harirapiki kunyange zvazvo ndisina kudarika.’+   Ndoupi murume akafanana naJobho,+Anonwa kunyombwa semvura?+   Ava kuda kushamwaridzana nevanoita zvinhu zvinokuvadzaNokufamba nevanhu vakaipa.+   Nokuti ati, ‘Murume akagwinya haabatsirwi+Nokufarira kwake Mwari.’ 10  Naizvozvo, nditeererei imi varume vane mwoyo ine njere.+Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa,+Uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!+ 11  Nokuti achapa munhu wepanyika mubayiro+ unoenderana nemaitiro ake,Uye achaita kuti munhu awane zvinoenderana negwara rake. 12  Chokwadi, Mwari haaiti zvakaipa,+Uye Wemasimbaose haatsaudziri pakutonga.+ 13  Ndiani akamupa nyika,Uye ndiani akamupa nyika inobereka, yose zvayo? 14  Kana akaisa mwoyo wake pane mumwe munhu,Kana akadzosa kwaari simba roupenyu nemhepo yokufema zvomunhu iyeye,+ 15  Zvipenyu zvose zvenyama zvichaparara pamwe chete,Uye munhu wepanyika achadzokera kuguruva chaiko.+ 16  Naizvozvo kana uchinzwisisa, inzwa izvi;Teerera mashoko angu. 17  Chokwadi chero munhu upi zvake anovenga kururamisira angatonga here,+Uye kana munhu ane simba akarurama, ungamuti akaipa here?+ 18  Munhu angati here kuna mambo, ‘Hamuna zvamunobatsira’?Angati here kune vanokudzwa, ‘Makaipa’?+ 19  Kune Mumwe asingasaruri machindaUye asina hanya nomunhu anokudzwa kupfuura zvaanoita nomunhu akaderera,+Nokuti vose zvavo ibasa remaoko ake.+ 20  Vanofa nenguva pfupi,+ kunyange pakati pousiku;+Vanhu vanogwagwadza vopfuura,Uye vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko.+ 21  Nokuti maziso ake ari panzira dzomunhu,+Uye anoona nhanho dzake dzose. 22  Hakuna rima kana zarima chero ripi zvaroRokuti vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza vavande imomo.+ 23  Nokuti haatari nguva yokuti chero munhu upi zvakeAende pamberi paMwari kunotongwa. 24  Anoputsa vane simba+ asingamboongorori,Uye anogadza vamwe panzvimbo pavo.+ 25  Naizvozvo anoziva mabasa avo,+Anovaparadza usiku, ivo vopwanyika.+ 26  Anovarova sevanhu vakaipaVari panzvimbo inoonekwa nevanhu vose;+ 27  Nokuti vakarega kumutevera,+Uye havana kuva nehanya nenzira dzake dzose,+ 28  Kuti vaite kuti kuchema kwomunhu akaderera kusvike kwaari;Naizvozvo anonzwa kuchema kwevanotambudzika.+ 29  Paanoita kuti pave norunyararo, ndiani angamupa mhosva?Paanovanza chiso chake,+ ndiani angamuona,Kunyange akazviitira rudzi+ kana munhu, icho zvachiri chinhu chakafanana? 30  Kuti munhu anotsauka arege kutonga,+Uye kuti parege kuva nemisungo+ yevanhu. 31  Nokuti pane munhu here angati kuna Mwari,‘Ndatambura, kunyange zvazvo ndisingaiti zvakaipa;+ 32  Kunyange zvazvo pasina chandinoona, imi ndirayiridzei;Kana paine chinhu chisina kururama chandakaita,Handizochiitizve’?+ 33  Iye achazvitsiva sezvaunoda here nokuti unoramba kutongwa,Nokuti ndiwe unosarudza, kwete ini?Taura zvaunonyatsoziva. 34  Varume vane mwoyo ine njere+ vachati kwandiri—Kunyange murume akachenjera anonditeerera achati, 35  ‘Jobho anotaura asina zivo,+Mashoko ake ndeokushayiwa njere.’ 36  Baba vangu, regai Jobho aedzwe kusvikira pokupedzisiraNokuda kwokupindura kwake ari pakati pevarume vanoita zvinhu zvinokuvadza.+ 37  Nokuti anowedzera kumukira pamusoro pechivi chake;+Anoombera ari pakati pedu uye anowanza mashoko ake okurwisana naMwari wechokwadi!”+

Mashoko Emuzasi