Jobho 35:1-16

35  Zvino Erihu akaenderera mberi achipindura kuti:   “Izvi ndizvo zvawaona sokururamisira here?Wati, ‘Kururama kwangu kunopfuura kwaMwari.’+   Nokuti unoti, ‘Kunokubatsirei?+Zvinondibatsirei kupfuura zvandinowana pakutadza kwangu?’+   Ini ndichakupinduraPamwe chete neshamwari+ dzako dzauinadzo.   Tarira kudenga,+ uone,Uone makore,+ kuti akakwirira kukupfuura.   Kana ukatadza, unomuitei?+Kana kumukira kwako kukawedzera, unomuitei?   Kana chokwadi wakarurama, unomupei,Kana kuti chii chaanogamuchira chinobva paruoko rwako?+   Zvakaipa zvako zvingaitirwa munhu akafanana newe,+Uye zvakarurama zvako zvingaitirwa mwanakomana womunhu wepanyika.+   Vanoramba vachishevedzera kuti vabatsirwe nokuda kwokudzvinyirirwa kuzhinji;+Vanoramba vachichemera kubatsirwa nokuda kwemaoko evane simba.+ 10  Asi hapana anoti, ‘Mwari, Muiti wangu Mukuru+ ari kupi,Iye anoita kuti nziyo dziimbwe usiku?’+ 11  Ndiye anotidzidzisa+ kupfuura mhuka dzepanyika,+Iye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga. 12  Vanoramba vachishevedzera, asi iye haapinduri,+Nokuda kwokudada+ kwevakaipa. 13  Mwari haamboteereri nhema,+Uye Wemasimbaose haadzitariri.+ 14  Zvino zvakadini paunoti haumuoni!+Mhosva iri pamberi pake, saka unofanira kumumirira nomwoyo wose.+ 15  Asi zvino, nokuti kutsamwa kwake hakuna kuita kuti pave nokuzvidavirira,+Haana kucherechedzawo kukurumidzira zvinhu kwakanyanyisa.+ 16  Zvino Jobho anoshama kwazvo muromo wake pasina;Anowanza mashokowo zvawo asina zivo.”+

Mashoko Emuzasi