Jobho 36:1-33
36 Zvino Erihu akatizve:
2 “Ndishivirire kwenguva duku, uye ndichakuzivisaKuti pachine mashoko okuti nditaure nokuda kwaMwari.
3 Ndichatora zivo yangu kure,Uye ndichataura kuti Muiti wangu akarurama.+
4 Nokuti chokwadi mashoko angu haasi enhema;Iye ane zivo yakakwana+ ari pamberi pako.
5 Tarira! Mwari ane simba+ uye haazorambi munhu;Iye ane simba guru romwoyo une njere;
6 Haazochengetedzi munhu akaipa ari mupenyu,+Asi acharuramisira vanotambudzika.+
7 Haazobvisi maziso ake pamunhu akarurama;+Kunyange madzimambo anogara pachigaro choumambo+—Iye achaitawo kuti agare pachigaro nokusingaperi, uye achakwidziridzwa.
8 Kana achinge akasungwa nezvisungo zvomumakumbo,+Anosungwa netambo dzokutambudzika.
9 Iye achabva aaudza pamusoro penzira yaanoita nayoPamwe chete nokudarika kwawo, nokuti anozvikudza kwazvo.
10 Iye achavhura nzeve dzawo kuti dzinzwe kurayira,+Uye achaarayira kuti atendeuke pane zvinhu zvinokuvadza.+
11 Kana akateerera, akamushumira,Achapedzera mazuva awo mune zvakanakaNemakore awo mune zvinofadza.+
12 Asi kana akasateerera, achaurayiwa+ nechombo chinoita zvokukandwa,+Uye achafa asingazivi.
13 Vaya vane mwoyo yakatsauka vachazviunganidzira kutsamwa.+Havachemeri kubatsirwa nokuti avasunga.
14 Mweya yavo ichafa vachiri vaduku,+Uye upenyu hwavo huchafira pakati pepfambi dzechirume dzepatemberi.+
15 Achanunura anotambudzika mukutambudzika kwake,Uye achavhura nzeve dzavo pavanenge vachidzvinyirirwa.
16 Achakubvisawo pamuromo wokutambudzika!+Nzvimbo yakafara,+ isina kumanikana, ichava panzvimbo payo,Uye zvinonyaradza zvetafura yako zvichazara nemafuta.+
17 Uchazara nomutongo unoitirwa munhu akaipa;+Kutonga nokururamisira zvichabata.
18 Chenjerera kuti kutsamwa+ hakukufuriri kuti uombere nepfini,Uye rudzikinuro+ rukuru ngarurege kukutsausa.
19 Kuchemera kwako kubatsirwa kuchabatsira here?+ Aiwa, kunyange mukutambudzikaKunyange kuedza kwako kwose kune simba.+
20 Usashuva usiku,Kuti marudzi abve paanenge ari.
21 Chenjerera kuti usatsaukira kune zvinhu zvinokuvadza,+Nokuti wakasarudza izvi panzvimbo pokutambudzika.+
22 Tarira! Mwari anoita zvinhu zvakakwirira nesimba rake;Ndiani murayiridzi akafanana naye?
23 Ndiani akaita kuti azvidavirire kwaari nokuda kwenzira yake,+Uye ndiani akati, ‘Makaita zvisina kururama’?+
24 Yeuka kuti unofanira kurumbidza basa rake+Rakaimbwa nezvaro nevanhu.+
25 Vanhu vose vanoramba vakaritarira;Munhuwo zvake anoramba akatarira ari kure.+
26 Ona! Mwari akakwirira kupfuura zvatingaziva;+Kuwanda kwemakore ake hakugoni kuongororwa.+
27 Nokuti anokwevera madonhwe emvura kumusoro;+Anopfuura nepasefa semvura inonaya kuti ave mhute yake,
28 Zvokuti makore anodonhedza madonhwe,+Anodonhera vanhu ari mazhinji kwazvo.
29 Chokwadi, ndiani anganzwisisa makore akaturikidzana,Nokutinhira kunobva mudumba rake?+
30 Tarira! Anoritambanudzira chiedza chake,+Anofukidza pasi pegungwa.
31 Nokuti ndizvo zvaanoshandisa kurwira mhosva yemarudzi;+Anopa zvokudya zvizhinji.+
32 Anofukidza mheni nemaoko ake,Uye anoirayira kuti irwisane nomudenhi.+
33 Kutinhira+ kwake kunotaura nezvake,Uyewo zvipfuwo pamusoro peari kuuya.