Jobho 37:1-24
37 “Chokwadi mwoyo wangu unodedereswa neizvi,+Uye unokwakuka uchibva panzvimbo pawo.
2 Nyatsoteererai, kutinhira kwenzwi rake,+Nokuomba kunobuda mumuromo make.
3 Anoita kuti kuende pasi pematenga ose,Uye mheni+ yake inosvika kumigumo yenyika.
4 Kutinhira kunotevera mushure mayo;Anotinhira+ nenzwi roukuru hwake,+Uye haadzidzivisi panonzwika inzwi rake.+
5 Mwari anotinhira nenzwi rake+ nenzira inoshamisa,Achiita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kuziva.+
6 Nokuti anoti kuchando, ‘Wira panyika,’+Uye anodarowo kumvura zhinji inonaya, iyo mvura yake zhinji inonaya nesimba.+
7 Anodzivisa ruoko rwomunhu wose wepanyika kuti rurege kuita basaKuti munhu wose azive basa rake.
8 Chikara chinoenda kunovanda,Uye chinogara munzvimbo dzacho dzokuvanda.+
9 Dutu rinobuda muimba yomukati+Uye kutonhora kunobuda mumhepo yokumusoro.+
10 Mvura yakaita chando inovapo nokuda kwemhepo yaMwari yokufema+Uye mvura yakapararira inoramba iri panzvimbo imwe chete.+
11 Chokwadi, iye anoremedza gore nounyoro,Chiedza+ chake chinoparadzira gore gobvu,
12 Riri kutenderedzwa nokutungamirira kwaanozviita kuti zviite basa razvoZvichienda chero kwaanozvirayira+ pamusoro penyika inobereka yepasi.
13 Anoita kuti rive shamhu+ kana kuti rivepo nokuda kwenyika yake+Kana kuti ribereke zvibereko nokuda kwomutsa wake worudo.+
14 Haiwa Jobho, teerera izvi;Mira, ufunge nezvemabasa anoshamisa aMwari.+
15 Unoziva here paakatarirwa nguva naMwari,+Nepaakaita kuti chiedza chegore rake chipenye?
16 Unoziva here nezvokudzikama kwemakore,+Iwo mabasa anoshamisa aIye ane zivo yakakwana?+
17 Kuti nguo dzako dzinopisa seiNyika painova norunyararo runobva kumaodzanyemba?+
18 Ungapambadzira matenga+ pamwe chete nayeKuti ave akaoma segirazi resimbi yakanyungudutswa here?
19 Tiudze zvatingataura kwaari;Hatingabudisi mashoko nokuda kwerima.
20 Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?Kana kuti pane munhu here akambotaura kuti izvo zvichazotaurwa?+
21 Zvino havanyatsooni chiedza;Icho chinopenya chiri mumatenga,Mhepo painenge yapfuura, ikaachenesa.
22 Kubwinya kwakaita sokwendarama kunobva kuchamhembe.Kukudzwa+ kwaMwari kunotyisa.
23 Kana ari Wemasimbaose, hatina kumuwana;+Akakwidziridzwa musimba,+Haazozvidzi+ kururamisira+ nokururama+ kukuru.
24 Naizvozvo vanhu ngavamutye.+Haana hanya nevanhu vanozviti vakachenjera mumwoyo mavo.”+