Jobho 40:1-24
40 Zvino Jehovha akapindura Jobho, akati:
2 “Munhu anotsvakira vamwe mhosva angakakavadzana noWemasimbaose here?+Iye anotsiura Mwari ngaapindure.”+
3 Zvino Jobho akapindura Jehovha, akati:
4 “Tarirai! ndava asingakoshi.+Chii chandingakupindurai?Ndabata muromo wangu.+
5 Ndataura kamwe chete, uye handichapinduri;Kaviri, uye handichawedzeri chinhu.”
6 Zvino Jehovha akapindura Jobho ari mudutu,+ akati:
7 “Ndapota, zvisunge muchiuno somurume;+Ndichakubvunza, iwe undiudze.+
8 Chokwadi, iwe ungaita kuti kururamisira kwangu kushayiwe simba here?Unganditi ndakaipa kuti iwe uve akarurama here?+
9 Kana kuti une ruoko rwakafanana norwaMwari wechokwadi here,+Uye ungaita kuti kutinhire nenzwi rakafanana nerake here?+
10 Ndapota, zvishongedze ukuru+ pamwe chete nokukwirira;+Pfeka kukudzwa+ nokubwinya.+
11 Durura kushatirwa kwako kukuru,+Uone munhu wose anozvikudza umuderedze.
12 Ona munhu wose anozvikudza, umuninipise,+Utsike-tsike vakaipa vari pavari ipapo chaipo.
13 Vavanze muguruva+ vari pamwe chete,Vasunge vari munzvimbo yakavanda,
14 Uye ini, iyeni ndichakurumbidza,Nokuti ruoko rwako rworudyi runogona kukuponesa.
15 Zvino tarira, Bhehemoti yandakasika sokusika kwandakakuita.Inodya uswa hwakasvibirira+ sezvinongoita nzombe.
16 Zvino tarira, simba rayo riri muhudyu mayo,Uye simba rayo guru+ riri mumidzira yedumbu rayo.
17 Inopeta muswe wayo somusidhari;Madzira ezvidya zvayo akarukana.
18 Mapfupa ayo akaita sepombi dzemhangura;Mapfupa ayo akasimba akaita semizariro yesimbi.
19 Ndiyo kutanga kwenzira dzaMwari;Muiti+ wayo chete ndiye anokwanisa kuswededza bakatwa rake pedyo nayo.
20 Nokuti makomo anoiberekera zvibereko,+Uye mhuka dzose dzomusango dzinotambira ikoko.
21 Inorara pasi pemiti yemihapa,Munzvimbo yakavanda ine tsanga+ nomumachakwi.+
22 Miti yemihapa inoramba yakaidzivirira nemimvuri yayo;Mishambangwena yomumupata une rukova inoikomba.
23 Kana rwizi rukayerera nesimba, haivhunduki yomhanya.Kunyange rwizi rwaJodhani+ rukapfachukira mukanwa mayo, iyo ine chivimbo.
24 Pane munhu angaibata kuti aende nayo iyo ichizviona here?Pane munhu angaboora mhino yayo nezviteyeso here?