Jobho 42:1-17
42 Zvino Jobho akapindura Jehovha, akati:
2 “Ndava kuziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose,+Uye hapana chamunofunga kuita chamungatadza.+
3 Makati, ‘Ndianiko uyu ari kudzikatidza zvakarongwa asina zivo?’+Naizvozvo ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisiZvinhu zvinondishamisa kwazvo, zvandisingazivi.+
4 Makati, ‘Ndapota teerera, uye ini ndichataura.Ndichakubvunza, iwe undiudze.’+
5 Ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe,Asi zvino ziso rangu rinokuonai.
6 Ndokusaka ndiri kuzvidemba,Ndapfidza+ ndiri muguruva nemadota.”
7 Zvino pashure pokunge Jehovha ataura mashoko aya naJobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani:
“Ndakutsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri,+ nokuti hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu+ sezvakaita mushumiri wangu Jobho.
8 Zvino torai nzombe nomwe nemakondohwe manomwe,+ muende kumushumiri wangu Jobho,+ mupe chibayiro chinopiswa nokuda kwenyu; uye mushumiri wangu Jobho achakunyengetererai.+ Ndiye chete wandichagamuchira kuti ndirege kukuitirai chinhu choupenzi chinonyadzisa, nokuti hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu, sezvakaita mushumiri wangu Jobho.”+
9 Naizvozvo Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofari muNaama vakaenda, vakaita sezvavakanga vaudzwa naJehovha; nokudaro Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.
10 Zvino Jehovha akachinja kutapwa kwaJobho+ paakanyengeterera shamwari dzake,+ Jehovha akapawo Jobho zvinhu zvaaimbova nazvo zvose, zvapetwa nekaviri.+
11 Hama dzake dzose nehanzvadzi dzake dzose navose vaimuziva vakaramba vachiuya kwaari,+ vakatanga kudya zvokudya naye+ mumba make nokumunzwira tsitsi pamwe chete nokumunyaradza pamusoro pedambudziko rose iro Jehovha akanga arega richiuya paari; mumwe nomumwe akamupa mari uye mumwe nomumwe akamupa rin’i yendarama.
12 Jehovha akazokomborera+ makore okupedzisira aJobho kupfuura okutanga,+ zvokuti akava nemakwai zviuru gumi nezvina nengamera zviuru zvitanhatu nezvipani zvemombe chiuru nembongoro hadzi chiuru.
13 Akavawo nevanakomana vanomwe nevanasikana vatatu.+
14 Akatumidza wokutanga kuti Jemima uye wechipiri kuti Keziya uye wechitatu kuti Kereni-hapuki.
15 Munyika yose hamuna kuwanikwa vakadzi vakanga vakanaka sezvakanga zvakaita vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.+
16 Jobho akararama kwemakore zana nemakumi mana+ pashure peizvi, uye akaona vanakomana vake nevazukuru vake+—zvizvarwa zvina.
17 Zvino Jobho akazofa, akwegura uye agutswa nemazuva.+