Jobho 7:1-21
7 “Ko munhuwo zvake haana basa rokumanikidzirwa+ panyika here,Uye mazuva ake haana kufanana nemazuva omunhu wemaricho here?+
2 Anosuwa mumvuri+ sezvinoita muranda,Uye anomirira mubayiro wake sezvinoita munhu wemaricho.+
3 Nokudaro ndakaitwa kuti ndive nemwedzi isina zvainobatsira,+Uye vakandiverengera usiku hwokutambudzika.+
4 Pandinenge ndarara ndinotiwo, ‘Ndichamuka rini?’+Pahunenge hwanyatsova usiku, ndinenge ndaneta nokushanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
5 Nyama yangu yafukidzwa nehonye+ nemavhinga evhu;+Ganda rangu raomarara uye riri kubuda urwa.+
6 Mazuva angu anomhanya+ kupfuura zvinoita chirukiso chomuruki,Uye anoguma pasina tariro.+
7 Yeukai kuti upenyu hwangu imhepo;+Kuti ziso rangu harizoonizve zvakanaka.
8 Ziso raiye anondiona harizondioni;Maziso enyu achanditarira, asi ndinenge ndisisipo.+
9 Gore rinoguma, roenda;Saizvozvo iye anoburukira muSheori haazobudizve.+
10 Haazodzokizve kumba kwake,Uye nzvimbo yake haizomuzivizve.+
11 Naizvozvo, ini handizoregi kutaura nomuromo wangu.Ndichataura ndichitambudzika;Ndichava nehanya nokurwadziwa kwomweya wangu!+
12 Ndiri gungwa kana kuti zimhuka romugungwa here,Zvamuri kundiisira murindi+ kuti andirinde?
13 Pandakati, ‘Mubhedha wangu uchandinyaradza,Mubhedha wangu uchabatsira kutakura kunetseka kwangu,’
14 Makandityisa nezvandinorota,Uye munoita kuti nditange kutya nezvandinoratidzwa,
15 Zvokuti mweya wangu unosarudza kutadza kufema,Uye rufu+ pane kungova mapfupa chete.
16 Ndahuramba;+ handingadi kurarama nokusingagumi.Ndisiyei, nokuti mazuva angu imhepo inofemwa.+
17 Munhuwo zvake chii+ kuti mumurere,Uye kuti muve nehanya naye,
18 Kuti mumuteerere mangwanani oga oga,Kuti mumuedze+ nguva dzose?
19 Nei musingazoregi kunditarira,+Kana kundirega ndiri ndoga kusvikira ndamedza mate angu?
20 Kana ndakatadza, chii chandingakuitai, imi Mucherechedzi wevanhu?+Nei mangoti nangananga neni, zvokuti ndava mutoro kwamuri?
21 Nei musingaregereri kudarika kwangu+Mofuratira kukanganisa kwangu?Nokuti zvino ndicharara muguruva;+Muchanditsvaka, asi ndinenge ndisisipo.”