Jobho 8:1-22
8 Zvino Bhiridhadhi muShuhi+ akapindura, akati:
2 “Ucharamba uchitaura zvinhu izvi kusvikira rini,+Mashoko omuromo wako zvaakaita semhepo ine simba?+
3 Mwari angatsaudzira pakutonga here,+Kana kuti Wemasimbaose angatsaudzira kururama here?+
4 Kana vanakomana vako vakamutadzira,Zvokuti anovarega kuti vapinde muruoko rwokumukira kwavo,
5 Kudai iwe ukatsvaka Mwari,+Uye ukateterera Wemasimbaose kuti unzwirwe nyasha,
6 Kudai wakachena uye wakarurama,+Iko zvino angadai amuka nokuda kwakoUye angadai adzorera nzvimbo yako yokugara yakarurama.
7 Uyewo, kutanga kwako kungadai kwava chinhu chiduku,Asi kuguma kwako kwaizova kukuru kwazvo.+
8 Ndapota, bvunza chizvarwa chekare,+Ufunge nezvezvinhu zvakaongororwa nemadzibaba avo.+
9 Nokuti isu tinongova vazuro,+ uye hapana chatinoziva,Nokuti mazuva edu panyika akaita somumvuri.+
10 Ivo havangakurayiridzi nokukuudza here,Uye havangabudisi mashoko mumwoyo mavo here?
11 Nhokwe+ ingareba kana isiri mumachakwi here?Tsanga ingakura pasina mvura here?
12 Painenge yatumbuka, isati yatemwa,Inotangira humwe uswa hwose kuoma.+
13 Ndizvo zvakaita makwara avose vanokanganwa Mwari,+Uye tariro yomunhu anotsauka ichaparara,+
14 Ane chaanovimba nacho chinoparadzwa,Uye ane chaanovimba nacho chakaita seimba yedandemutande.+
15 Achazendamira paimba yake, asi haizorambi yakamira;Achaibata, asi haizogari.
16 Iye akaita somuti uzere nomuto uri kukura muzuva,Uye davi rake rinokura mumunda make.+
17 Midzi yake inorukana pamurwi wematombo,Anoona imba yematombo.
18 Kana mumwe munhu akamuparadza panzvimbo yake,+Iyo ichamurambawo, ichiti, ‘Handina kumbokuona.’+
19 Tarira! Ndiko kuparara kwenzira yake;+Uye vamwe vanobuda muguruva.
20 Tarira! Mwari haazorambi ani naani asina chaanopomerwa,Uye haazobatsiriwo vanoita zvakaipa,
21 Kusvikira azadza muromo wako nokuseka,Uye miromo yako nokushevedzera kwokufara.
22 Vaya vanokuvenga vachapfekedzwa nyadzi,+Uye tende revakaipa harizovipo.”