Jobho 9:1-35
9 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Chokwadi ndinoziva kuti ndizvo zvazvakaita.Asi munhuwo zvake angava akarurama sei kana aine mhosva naMwari?+
3 Kana iye akada kuita nharo naye,+Haangagoni kumupindura mubvunzo mumwe chete pane ine chiuru.
4 Iye ane mwoyo wakachenjera uye ane simba.+Ndiani angaomesa mwoyo kwaari akasakuvadzwa?+
5 Iye anobvisa makomo,+ zvokuti vanhu havambozivi nezvawo,Iye akaaparadza akatsamwa.+
6 Iye anoita kuti nyika idengenyeke iri munzvimbo yayo,Zvokuti mbiru+ dzayo dzinodedera.
7 Iye anoudza zuva kuti rirege kupenya,Iye anodzitira nyeredzi,+
8 Iye ari oga anotatamura matenga+Nokutsika pamusoro pemafungu makuru egungwa;+
9 Anosika boka renyeredzi reAshi, boka renyeredzi reKesiri,Neboka renyeredzi reKima+ nedzimba dzomukati dzokuMaodzanyemba;
10 Anoita zvinhu zvikuru zvisingagoni kuongororwa,+Nezvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.+
11 Tarira! Iye anopfuura pedyo neni asi handimuoni,Anopfuura hake asi handimuzivi.+
12 Tarira! Iye anobvuta. Ndiani angamudzivisa?Ndiani angati kwaari, ‘Uri kuitei?’+
13 Mwari haazodzori kutsamwa kwake;+Vanobatsira mudenhi+ vachakotama pasi pake.
14 Zvakadini kana ini, ndikamupindura!Ndichasarudza mashoko angu okutaura naye,+
15 Iye wandaisazopindura, kunyange kudai ndakanga ndakarurama.+Ndaizoteterera ane mhosva neni kuti andinzwire nyasha.+
16 Kudai ndaizomushevedza, aizondipindura here?+Handitendi kuti aizoteerera inzwi rangu;
17 Iye anondipwanya nedutu,Oita kuti maronda angu awande pasina chikonzero.+
18 Haazondibvumiri kufemazve imwe mhepo,+Nokuti anoramba achindizadza nezvinhu zvinovava.
19 Kana paine mumwe munhu anonzi ane simba guru, ndiye iyeye;+Kudai paine mumwe munhu anonzi ane simba rokururamisira, haiwa, ndaizoshevedzwa ini!
20 Kudai ndakarurama, muromo wangu waizonditi ndakaipa;Kudai ndisina chandinopomerwa, iye aizongonditi handina kururama.
21 Kudai ndisina chandinopomerwa, ndaisamboziva mweya wangu;Ndaizoramba upenyu hwangu.
22 Pane chinhu chimwe chete. Ndokusaka ndichiti,‘Iye anoparadza munhu asina chaanopomerwa, nomunhu akaipa.’+
23 Kudai mafashamo anongoerekana avapo aizongoerekana akonzera rufu,Iye aizoseka kurasa tariro kwomunhu asina mhosva.
24 Nyika yakaiswa muruoko rwomunhu akaipa;+Iye anofukidza zviso zvevatongi vayo.Kana asiri iye, saka ndiani?
25 Uyewo mazuva angu anomhanya kupfuura mumhanyi;+Anotiza, haazooni zvakanaka.
26 Anopfuura sezvinoita zvikepe zvetsanga,Segondo rinokurumidza kubhururukira uku nokoko richitsvaka chokudya.+
27 Kana ndikati, ‘Regai ndikanganwe kunetseka kwangu,+Regai ndichinje chiso+ changu, ndifare,’
28 Ndinotya kurwadziwa kwangu kwose;+Ndinoziva kuti hamuzonditi handina mhosva.
29 Ini ndichava akaipa.Nei ndichishanda zvakaoma pasina?+
30 Kudai ndaigeza nemvura inobva muchando,Ndochenesa maoko angu nedota,+
31 Maizongondinyudza mugomba,Uye nguo dzangu dzaizondisema.
32 Nokuti iye haasi munhu+ akaita seni kuti ndimupindure,Kuti titongane.
33 Hapana munhu angatitongera mhosva yedu,+Kuti aise ruoko rwake patiri.
34 Ngaabvise shamhu yake pandiri,+Uye kutyisa kwake ngakurege kundityisa.
35 Regai nditaure, ndirege kumutya,Nokuti handina kudaro.