Joeri 1:1-20
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya+ kuna Joeri mwanakomana waPetueri:
2 “Inzwai izvi, imi varume vakuru, muteerere, imi vagari vose vomunyika.+ Izvi zvakamboitika here mumazuva enyu, kana mumazuva emadzitateguru enyu?+
3 Zvirondedzerei kuvanakomana venyu, vanakomana venyu vazvirondedzere kuvanakomana vavo, uye vanakomana vavo vazvirondedzere kuchizvarwa chinotevera.+
4 Zvakasiyiwa nemakonye, zvakadyiwa nemhashu;+ zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa nevana vemhashu vasina mapapiro; uye zvakasiyiwa nevana vemhashu vasina mapapiro, zvakadyiwa nemapete.+
5 “Mukai, imi zvidhakwa+ musvimhe misodzi; uye imi vanonwa waini ungudzai+ nokuda kwewaini inotapira,+ nokuti yabviswa pamiromo yenyu.+
6 Nokuti kune rudzi rwauya munyika yangu, rune simba uye rusingaverengeki.+ Mazino arwo mazino eshumba,+ uye rune shaya dzeshumba.
7 Rwaita kuti muzambiringa wangu uve chinhu chinokatyamadza,+ uye kuti muonde wangu uve chigutsa.+ Rwauchenesa rukaukanda kure.+ Tumapazi twawo twachena.
8 Ungudza, sezvinoita mhandara yakasungira masaga+ ichichema murume wouduku hwayo.
9 “Muimba yaJehovha hamusisina chinopiwa chezviyo+ nechinopiwa chinonwiwa;+ vapristi, ivo vashumiri+ vaJehovha, vachema.+
10 Munda wapambwa,+ nyika iri kuchema;+ nokuti zviyo zvapambwa, waini itsva yaoma,+ mafuta apera.+
11 Varimi vanyara;+ vatarisiri veminda yemizambiringa vaungudza, nokuda kwegorosi uye nokuda kwebhari; nokuti zvinokohwewa mumunda zvaparara.+
12 Muzambiringa waoma, uyewo muonde waoma. Mupomegraneti, pamwe chete nomuchindwe nomuapuro, miti yose yomunda, yaoma;+ nokuti kupembera nomufaro kwabva pavanakomana vevanhu kuchinyara.+
13 “Sungirai masaga, murove zvipfuva zvenyu,+ imi vapristi. Ungudzai, imi vashumiri veatari.+ Pindai mukati, murare makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chinopiwa chezviyo+ nechinopiwa chinonwiwa hazvichaunzwi+ muimba yaMwari wenyu.
14 Tsaurai nguva yokutsanya.+ Shevedzerai kuti vanhu vauye kukuungana kukuru.+ Unganidzai varume vakuru, vagari vose vomunyika, kuimba yaJehovha Mwari wenyu,+ muchemere kubatsirwa naJehovha.+
15 “Maiwe zuva riya kani;+ nokuti zuva raJehovha rava pedyo,+ uye richauya sezvinoita kuparadza kunobva kune Wemasimbaose!
16 Zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu chaipo here; kufara nokufara kukuru hazvina kubviswa muimba yaMwari wedu here?+
17 Maonde akaomeswa aputana ari pasi pefoshoro dzavo. Matura aparadzwa. Tsapi dzaputswa, nokuti zviyo zvaoma.
18 Haiwa zvipfuwo zvagomera sei! Mapoka emombe adzungaira sei! Nokuti hapana mafuro azvo.+ Uyewo, mapoka emakwai ndiwo anzi ane mhosva.
19 “Haiwa Jehovha, ndichachema kwamuri;+ nokuti moto wapisa mafuro omurenje, uye murazvo wakapisa miti yose yomusango.+
20 Mhuka dzomusango dzinoramba dzichikusuwaiwo,+ nokuti hova dzemvura dzaoma,+ uye moto waparadza mafuro omurenje.”