Joeri 2:1-32
2 “Haiwa imi varume, ridzai hwamanda muZiyoni,+ mushevedzere nokuda kwehondo+ muri mugomo rangu dzvene.+ Vagari vose vomunyika ngavadedere;+ nokuti zuva raJehovha riri kuuya,+ nokuti rava pedyo!
2 Izuva rerima nokusviba,+ zuva remakore nezarima, sechiedza chemambakwedza chakawarirwa pamakomo.+
“Kune vanhu vazhinji uye vane simba;+ vakadaro havana kumbovapo kubvira kunguva yakapfuura isingagumi,+ uye pashure pavo hapazovi nevakadaro kusvikira kumakore ezvizvarwa nezvizvarwa.
3 Moto waparadza uri mberi kwavo,+ uye murazvo unoparadza uri shure kwavo.+ Nyika iri mberi kwavo yakaita somunda weEdheni;+ asi shure kwavo kwakaita serenje risina chinhu, uyewo hapana chinopukunyuka.
4 “Vanoratidzika semabhiza, vanoramba vachimhanya semabhiza ehondo.+
5 Vanoramba vachisvetuka-svetuka pamusoro pemakomo vachinzwika sokutinhira kwengoro,+ uye sokutinhira kwomurazvo womoto uri kupisa mashanga.+ Vakaita sevanhu vane simba, vakagadzirira kurwa.+
6 Vanhu vacharwadziwa kwazvo nokuda kwavo.+ Zviso zvose, zvichanetseka kwazvo.+
7 “Vanomhanya sevarume vane simba.+ Vanokwira madziro sevarume vehondo. Mumwe nomumwe anofamba nenzira dzake, uye havatsauki pamakwara avo.+
8 Havasundidzirani. Vanoramba vachienda sezvinoita murume anofamba munzira yake; uye kana vamwe vakafira pakati pezvombo zvehondo zvinenge zvichiita zvokukandwa, vamwe vacho havatsauki.
9 “Vanomhanyira muguta. Vanomhanya pamadziro. Vanokwira padzimba. Vanopinda mukati nepamahwindo sezvinoita mbavha.
10 Nyika yadedera pamberi pavo, matenga azununguka. Zuva nomwedzi zvasviba,+ uye nyeredzi hadzichapenyi.+
11 Jehovha achaita kuti inzwi rake rinzwike+ ari pamberi peuto rake rehondo,+ nokuti uto rake iguru.+ Nokuti iye ari kuita zvaakataura ane simba; nokuti zuva raJehovha iguru+ uye rinotyisa kwazvo, ndiani angatsunga pariri?”+
12 “Zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “dzokaiwo kwandiri nemwoyo yenyu yose,+ muchitsanya,+ muchisvimha misodzi uye muchiungudza.+
13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu;+ uye dzokai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti iye ane nyasha nengoni,+ anononoka kutsamwa,+ azere nomutsa worudo,+ uye achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.+
14 Ndiani anoziva kana achizochinja, ozvidemba,+ osiya chikomborero pashure pavo,+ chinopiwa chezviyo nechinopiwa chinonwiwa zvaJehovha Mwari wenyu?
15 “Haiwa imi varume, ridzai hwamanda muZiyoni.+ Tsaurai nguva yokutsanya.+ Shevedzerai kuti vanhu vauye kukuungana kukuru.+
16 Unganidzai vanhu. Tsvenesai ungano.+ Unganidzai vakwegura. Unganidzai vana nevaya vanoyamwa mazamu.+ Muroori ngaabude muimba yake yomukati, uye mwenga ngaabude muimba yake yomuchato.
17 “Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha ngavasvimhe misodzi vari pakati pevharanda neatari,+ vati, ‘Haiwa Jehovha, nzwirai vanhu venyu urombo, musaita kuti nhaka yenyu izvidzwe,+ kuti mamwe marudzi avatonge. Mamwe marudzi angataurirei kuti: “Mwari wavo ari kupi?”’+
18 Jehovha achashingairira nyika yake+ uye achanzwira vanhu vake tsitsi.+
19 Jehovha achapindura oti kuvanhu vake, ‘Tarirai ndiri kukutumirai zviyo newaini itsva nemafuta, muchaguta nazvo;+ uye handichazokuitiizve chinhu chinozvidzwa pakati pemamwe marudzi.+
20 Ndichaisa wokuchamhembe+ kure nemi, ndichamuparadzira kunyika isina mvura uye yakaita dongo, chiso chake chakatarira kugungwa rokumabvazuva+ uye akafuratira gungwa rokumavirira.+ Kunhuhwa kwake kuchakwira, hwema hwake hwakaipa hucharamba huchikwira;+ nokuti Iye achaita chinhu chikuru pane zvaanoita.’
21 “Haiwa iwe nyika, usatya. Fara, ufarisise; nokuti Jehovha achaita chinhu chikuru pane zvaanoita.+
22 Musatya, imi mhuka dzomusango,+ nokuti mafuro omurenje achasvibirira.+ Nokuti muti uchabereka michero yawo.+ Muonde nomuzambiringa zvichapa simba razvo.+
23 Naizvozvo, imi vanakomana veZiyoni, farai mufarire kwazvo Jehovha Mwari wenyu;+ nokuti iye achatokupai mvura yokutanga yakawanda zvakakodzera,+ achakunayisirai mvura zhinji, mvura yokutanga nemvura yokupedzisira, sezvazvakanga zvakaita pakutanga.+
24 Mapuriro achazara zviyo zvakaurutswa, zvisviniro zvichafashukira newaini itsva nemafuta.+
25 Ndichakudzorerai zvomumakore akadyiwa nemhashu, vana vemhashu vasina mapapiro, nemapete nemakonye, iro uto rangu guru rehondo randakatuma pakati penyu.+
26 Muchadya, muchadya moguta,+ muchatorumbidza zita raJehovha Mwari wenyu,+ akakuitirai zvinhu zvinoshamisa kwazvo;+ uye vanhu vangu havazonyari nokusingagumi.+
27 Muchaziva kuti ndiri pakati paIsraeri,+ uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, hakuna mumwe.+ Vanhu vangu havazonyari nokusingagumi.
28 “Zvino pashure paizvozvo ndichadurura mudzimu wangu+ pavanhu vemarudzi ose,+ vanakomana venyu nevanasikana venyu+ vachaprofita. Vakwegura venyu vacharota hope. Majaya enyu achaona zviratidzo.
29 Ndichadurura mudzimu wangu kunyange pavashandirume nevashandikadzi pamazuva iwayo.+
30 “Ndichaita zvishamiso mumatenga+ nepanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.+
31 Zuva richasviba,+ mwedzi uchava ropa,+ uye zuva guru nerinotyisa raJehovha risati rasvika.+
32 Asi munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa;+ nokuti muGomo reZiyoni nomuJerusarema ndimo muchava nevachapona,+ sezvakataurwa naJehovha, uye pakati pevachapona, ndipo pachava nevaya vanoshevedzwa naJehovha.”+