Johani 12:1-50
12 Naizvozvo, mazuva matanhatu paseka isati yasvika, Jesu akasvika kuBhetani,+ kwaiva naRazaro+ uyo Jesu akanga amutsa kubva kuvakafa.
2 Naizvozvo vakamugadzirira kudya kwemanheru ipapo, uye Marita+ akanga achivashumira,+ asi Razaro akanga ari mumwe wevaya vakanga vakatsenhama patafura naye.+
3 Naizvozvo, Mariya akatora paundi yemafuta anonhuhwirira, nadhi+ chaiyo, inodhura kwazvo, akazora tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake dzikaoma.+ Imba yakazara nokunhuhwirira kwemafuta anonhuhwirira.
4 Asi Judhasi Iskariyoti,+ mumwe wevadzidzi vake, akanga ava kuda kumutengesa, akati:
5 “Nei mafuta aya anonhuhwirira+ asina kutengeswa nemadhinari mazana matatu, akapiwa varombo?”+
6 Zvisinei, haana kutaura izvi nokuti aiva nehanya nevarombo, asi nokuti aiva mbavha+ uye aiva nebhokisi remari+ uye aigara achitora mari dzaiiswa mariri.
7 Naizvozvo Jesu akati: “Muregei akadaro, kuti achengete tsika iyi nokuda kwezuva rokuvigwa kwangu.+
8 Nokuti varombo+ munogara muinavo, asi hamuzogari muineni.”
9 Naizvozvo boka guru revaJudha rakasvika pakuziva kuti akanga aripo, uye havana kuuya nokuda kwaJesu chete, asiwo kuti vaone Razaro, waakamutsa kubva kuvakafa.+
10 Zvino vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro,+
11 nokuti vazhinji vevaJudha vakanga vachienda ikoko nokuda kwake uye vachitenda muna Jesu.+
12 Zuva rakatevera boka guru revanhu rakanga rauya kumutambo, pavakanzwa kuti Jesu akanga achiuya kuJerusarema,
13 vakatora mapazi emichindwe,+ vakabuda kunomuchingura. Zvino vakatanga kushevedzera+ vachiti: “Tapota, ponesai!+ Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha,+ iye mambo+ waIsraeri!”
14 Asi Jesu paakanga awana mwana wembongoro,+ akamutasva, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti:
15 “Usatya, mwanasikana weZiyoni. Tarira! Mambo wako ari kuuya,+ akatasva mwana wembongoro.”+
16 Vadzidzi vake havana kuziva zvinhu izvi pakutanga,+ asi Jesu paakakudzwa,+ vakabva vayeuka kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake uye kuti vakamuitira zvinhu izvi.+
17 Naizvozvo boka revanhu raiva naye paakashevedza Razaro+ kuti abude muguva, akamumutsa kubva kuvakafa, rakaramba richipupura.+
18 Nokuda kweizvi, nokuti boka revanhu rakanga ranzwa kuti akanga aita chiratidzo+ ichi, rakamuchingurawo.
19 Naizvozvo vaFarisi+ vakataurirana kuti: “Munoona kuti hapana kwamuri kumbosvika. Onai! Nyika yamutevera.”+
20 Zvino paiva nevaGiriki+ pakati pevaya vakakwira kunonamata pamutambo.
21 Naizvozvo, ava, vakasvika kuna Firipi+ aibva kuBhetisaidha reGarireya, uye vakatanga kumukumbira, vachiti: “Changamire, tinoda kuona Jesu.”+
22 Firipi akauya akaudza Andreya. Andreya naFiripi vakauya vakaudza Jesu.
23 Asi Jesu akavapindura, achiti: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe.+
24 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu, ikafa, inoramba ichingova tsanga imwe chete; asi kana ikafa,+ inobva yabereka zvibereko zvizhinji.
25 Anoda mweya wake anouparadza, asi anovenga mweya wake+ munyika ino achauchengetedza nokuda kwoupenyu husingaperi.+
26 Kana munhu achizondishumira, ngaanditevere, uye pandinenge ndiri ndipo pachavawo nomushumiri wangu.+ Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.+
27 Zvino mweya wangu unonetseka,+ ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino.+ Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino.
28 Baba, kudzai zita renyu.” Naizvozvo inzwi+ rakabva kudenga rikati: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”+
29 Nokudaro boka revanhu vakanga vakamira ipapo rakazvinzwa, vakatanga kutaura kuti kwakanga kwatinhira. Vamwe vakatanga kuti: “Ngirozi yataura naye.”
30 Achipindura, Jesu akati: “Iri inzwi harina kunzwika nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.+
31 Zvino pane kutongwa kwenyika ino; zvino mutongi wenyika ino+ achadzingwa.+
32 Asi ini, kana ndasimudzwa+ kubva panyika, ndichaita kuti vanhu vose vauye kwandiri.”+
33 Chokwadi akanga achitaura izvi kuti aratidze rudzi rworufu rwaakanga ava kuda kufa.+
34 Naizvozvo boka revanhu rakamupindura kuti: “Takanzwa muMutemo kuti Kristu anoramba aripo nokusingaperi;+ zvino sei muchiti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa?+ Ndiani uyu Mwanakomana womunhu?”+
35 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku. Fambai muchiine chiedza, kuti rima+ rirege kukukundai; uye anofamba murima haazivi kwaari kuenda.+
36 Pamunenge muchine chiedza, ivai nokutenda muchiedza, kuti muve vanakomana vechiedza.”+
Jesu akataura zvinhu izvi, akaenda, akanovavanda.
37 Asi kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji kwazvo pamberi pavo, ivo vakanga vasingatendi maari,
38 zvokuti shoko romuprofita Isaya rakazadzika raakati: “Jehovha, ndiani akatenda chinhu chatakanzwa?+ Kana ruri ruoko rwaJehovha, rwakaratidzwa kuna ani?”+
39 Chikonzero nei vaisakwanisa kutenda ndicho chakataurwazve naIsaya kuti:
40 “Akapofumadza maziso avo uye akaomesa mwoyo yavo,+ kuti varege kuona nemaziso avo vonzwisisa nemwoyo yavo vatendeuke uye ndivaporese.”+
41 Isaya akataura zvinhu izvi nokuti akaona kubwinya kwake,+ uye akataura pamusoro pake.
42 Kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongi vakatenda maari,+ asi nokuda kwevaFarisi vakanga vasingamubvumi pachena, kuti varege kudzingwa musinagogi;+
43 nokuti vaida kukudzwa nevanhu kupfuura kukudzwa naMwari.+
44 Zvisinei, Jesu akashevedzera, akati: “Anotenda mandiri haatendi mandiri chete, asi muna iyewo akandituma;+
45 uye anondiona anoonawo iye akandituma.+
46 Ndakauya sechiedza munyika,+ kuti munhu wose anotenda mandiri arege kuramba ari murima.+
47 Asi kana munhu akanzwa mashoko angu akasaachengeta, handimutongi; nokuti handina kuuya kuzotonga nyika,+ asi kuzoponesa nyika.+
48 Asinganditeereri uye asingagamuchiri mashoko angu ane anomutonga. Shoko+ randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira;
49 nokuti handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.+
50 Uyewo, ndinoziva kuti murayiro wavo unoreva upenyu husingaperi.+ Naizvozvo zvinhu zvandinotaura, ndinozvitaura, sokuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”+