Johani 13:1-38
13 Zvino, nokuti akaziva mutambo wepaseka usati waitika kuti awa yake yakanga yasvika+ yokuti abve munyika ino aende kuna Baba,+ Jesu, zvaakanga ada vake vakanga vari munyika,+ akavada kusvikira kumugumo.
2 Naizvozvo, kudya kwemanheru pakwakanga kuchipfuurira, Dhiyabhorosi atoisa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni, kuti amutengese,+
3 iye, achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake+ uye kuti akabva kuna Mwari uye kuti akanga achienda kuna Mwari,+
4 akasimuka pakudya kwemanheru, akaisa parutivi nguo dzake dzokunze. Achitora jira, akazvisunga chiuno.+
5 Pashure paizvozvo akaisa mvura mumudziyo wokugezera, akatanga kugeza tsoka+ dzevadzidzi nokudzipukuta nejira raakanga akasunga naro muchiuno.
6 Naizvozvo akasvika pana Simoni Petro. Iye akati kwaari: “Ishe, muri kugeza tsoka dzangu here?”+
7 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Zvandiri kuita hauzvinzwisisi panguva ino, asi uchanzwisisa pashure pezvinhu izvi.”+
8 Petro akati kwaari: “Chokwadi hamungambogezi tsoka dzangu.” Jesu akamupindura kuti: “Kana ndikasakugeza,+ hauna mugove neni.”
9 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, kwete tsoka dzangu chete, asiwo maoko angu nomusoro wangu.”
10 Jesu akati kwaari: “Uyo ashamba muviri+ anofanira kugezwa tsoka dzake chete, nokuti akachena muviri wose. Imi makachena, asi kwete mose.”
11 Chokwadi, aiziva, munhu aizomutengesa.+ Ndokusaka akati: “Hamusi mose makachena.”
12 Zvino, paakanga ageza tsoka dzavo uye apfeka nguo dzake dzokunze uye atsenhamazve patafura, akati kwavari: “Munoziva here zvandakuitirai?
13 Munonditi, ‘Mudzidzisi,’+ uye, ‘Ishe,’+ munotaura nomazvo, nokuti ndizvo zvandiri.+
14 Naizvozvo, kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,+ nemiwo munofanira kugezana tsoka.+
15 Nokuti ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.+
16 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uyewo akatumwa haasi mukuru kune akamutuma.+
17 Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.+
18 Handisi kutaura pamusoro penyu mose; ndinoziva vandakasarudza.+ Asi zvinhu izvi zviri kuitika kuti Rugwaro ruzadzike+ runoti, ‘Uya aidya chingwa changu akandisimudzira chitsitsinho chake.’+
19 Kubvira panguva ino ndinokuudzai zvisati zvaitika,+ kuti pazvinozoitika mutende kuti ndini iye.
20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo.+ Uyewo anondigamuchira, anogamuchirawo akandituma.”+
21 Pashure pokutaura zvinhu izvi, Jesu akashungurudzika, uye akapupura, akati: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu achanditengesa.”+
22 Vadzidzi vakatanga kutarirana, vachishaya kuti akanga achitaura izvi pamusoro paani.+
23 Pedyo nechipfuva chaJesu pakanga pakatsenhama mumwe wevadzidzi vake, uye Jesu aimuda.+
24 Naizvozvo Simoni Petro akanongedza nomusoro kune iyeyu, akati kwaari: “Tiudze kuti ndiani waari kutaura nezvake.”
25 Zvino iyeyu akazendamira pachipfuva chaJesu, akati kwaari: “Ishe, ndiani?”+
26 Naizvozvo Jesu akapindura kuti: “Ndouyo wandichapa chimedu chandinoseva.”+ Nokudaro, aseva chimedu, akachitora, akachipa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskariyoti.
27 Pashure pokupiwa chimedu chacho Satani akabva apinda muna Judhasi.+ Naizvozvo, Jesu akati kwaari: “Kurumidza kwazvo kuita zvauri kuita.”
28 Zvisinei, hapana mumwe wevaya vakanga vakatsenhama patafura akaziva kuti akazvitaurirei kwaari.
29 Chokwadi, vamwe vaifunga kuti, Judhasi zvaakanga achichengeta bhokisi remari,+ Jesu akanga achimuudza kuti: “Tenga zvinhu zvatinoda nokuda kwomutambo,” kana kuti aifanira kupa varombo chimwe chinhu.+
30 Naizvozvo, agamuchira chimedu, akabva abuda. Uye hwaiva usiku.+
31 Nokudaro paakanga abuda, Jesu akati: “Zvino Mwanakomana womunhu ari kukudzwa,+ uye Mwari ari kukudzwa nokuda kwake.
32 Mwari achamukudza,+ uye achabva angomukudza.
33 Vana vaduku,+ ndinemi kwenguva duku. Muchanditsvaka; uye sokutaura kwandakaita kuvaJudha kuti, ‘Hamungauyi kwandinoenda,’+ ndinotaurawo kwamuri panguva ino.
34 Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai,+ kuti nemiwo mudanane.+
35 Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”+
36 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu akapindura kuti: “Kwandiri kuenda haunganditeveri iye zvino, asi uchatevera gare gare.”+
37 Petro akati kwaari: “Ishe, nei ndisingagoni kukuteverai panguva ino? Ndichapa mweya wangu nokuda kwenyu.”+
38 Jesu akapindura kuti: “Uchapa mweya wako nokuda kwangu here? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Jongwe harizomboriri kusvikira wandiramba katatu.”+