Johani 17:1-26
17 Jesu akataura zvinhu izvi, uye, achitarira kudenga,+ akati: “Baba, awa yasvika; kudzai mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana wenyu akukudzei,+
2 zvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose,+ kuti, pamusoro pavose vamakamupa,+ avape upenyu husingaperi.+
3 Kuti vawane upenyu husingaperi,+ vanofanira kuramba vachiwana zivo+ pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete,+ uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.+
4 Ndakakukudzai+ panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.+
5 Zvino imi Baba, ndikudzei parutivi rwenyu nokukudzwa kwandaiva nako parutivi rwenyu nyika isati yavapo.+
6 “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.+ Vakanga vari venyu, mukandipa, uye vakachengeta shoko renyu.
7 Zvino vakasvika pakuziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri;
8 nokuti ndakavapa mashoko amakandipa,+ vakaagamuchira uye chokwadi vakasvika pakuziva kuti ndakauya somumiririri wenyu,+ uye vakatenda kuti makandituma.+
9 Ndinovakumbirira; handikumbiriri nyika,+ asi vaya vamakandipa; nokuti ndevenyu,
10 uye zvinhu zvangu zvose ndezvenyu nezvenyu ndezvangu,+ uye ndakakudzwa pakati pavo.
11 “Uyewo, handichisirizve munyika, asi ivo vari munyika+ uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vatarisirei+ nokuda kwezita renyu ramakandipa, kuti vave vamwe sezvatiri.+
12 Pandaiva navo ndaivatarisira+ nokuda kwezita renyu ramakandipa; ndakavachengeta, uye hapana kana mumwe chete wavo akaparadzwa+ kunze kwomwanakomana wokuparadzwa,+ kuti rugwaro ruzadzike.+
13 Asi zvino ndiri kuuya kwamuri, uye ndiri kutaura zvinhu izvi munyika kuti vazadzwe nomufaro wangu.+
14 Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga,+ nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.+
15 “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nokuda kweakaipa.+
16 Havasi venyika,+ seni ndisiri wenyika.+
17 Vatsvenesei+ nechokwadi; shoko+ renyu ichokwadi.+
18 Sezvamakandituma munyika, iniwo ndinovatuma munyika.+
19 Ndiri kuzvitsvenesa nokuda kwavo, kuti ivowo vatsveneswe+ nechokwadi.
20 “Handikumbiriri ivava chete, asiwo vaya vanotenda mandiri neshoko ravo;+
21 kuti vose vave vamwe,+ semi Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi,+ kuti ivowo vave pamwe nesu,+ kuti nyika itende kuti makandituma.+
22 Uyewo, ndakavapa kukudzwa kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.+
23 Ini ndiri pamwe navo uye imi muri pamwe neni, kuti vakwaniswe kuva mumwe,+ kuti nyika izive kuti makandituma uye kuti makavada sokundida kwamakaita.
24 Baba, kana vari vamakandipa, ndinoda kuti, pandinenge ndiri, ivowo vave neni,+ kuti vaone kukudzwa kwangu kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.+
25 Baba Vakarurama,+ chokwadi, nyika haina kusvika pakukuzivai;+ asi ini ndakasvika pakukuzivai, uye ava vakasvika pakuziva kuti makandituma.+
26 Ndakavazivisa zita renyu+ uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”+