Joshua 12:1-24
12 Zvino aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa nevanakomana vaIsraeri uye ane nyika yavakabva vaita kuti ive yavo mhiri kwaJodhani nechokunobuda zuva,+ kubvira kumupata une rukova weAnoni+ kusvikira kuGomo reHemoni+ neArabha+ yose kusvikira kumabvazuva:
2 Sihoni+ mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni,+ achitonga kubvira kuAroeri,+ raiva pamahombekombe omupata une rukova weAnoni,+ uye pakati pomupata une rukova, nehafu yeGiriyedhi kusvikira kuJabhoki+ mupata une rukova, muganhu wevanakomana vaAmoni,
3 uye Arabha+ kusvikira kugungwa reKinereti+ nechokumabvazuva uye kusvikira kugungwa reArabha, Gungwa roMunyu,+ kumabvazuva nechokuBheti-jeshimoti,+ uye nechokumaodzanyemba munzvimbo dzakatenuka dzePisga.+
4 Nharaunda yaOgi+ mambo weBhashani, yakasiyiwa pane yaiva yevaRefaimu,+ vaigara muAshtaroti+ neEdrei,+
5 uye aitonga muGomo reHemoni+ nomuSareka nomuBhashani+ yose, kusvikira kumuganhu wevaGeshuri+ nevaMaakati,+ nehafu yeGiriyedhi, kusvikira kunharaunda yaSihoni+ mambo weHeshbhoni.+
6 Mosesi mushumiri waJehovha nevanakomana vaIsraeri ndivo vakavakunda,+ Mosesi mushumiri waJehovha achibva azoipa vaRubheni+ nevaGadhi+ nehafu yedzinza raManase kuti ive yavo.+
7 Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa naJoshua nevanakomana vaIsraeri mhiri kwaJodhani nechokumavirira, kubvira kuBhaari-gadhi+ riri mubani reRebhanoni+ kusvikira kuGomo reHaraki,+ rinokwira kuSeiri,+ Joshua achibva azoipa madzinza aIsraeri kuti ive yawo maererano nemigove yawo,+
8 munzvimbo ine makomo nomuShefera nomuArabha nomunzvimbo dzakatenuka nomurenje nomuNegebhu+—vaHiti, vaAmori+ nevaKenani, vaPerizi, vaHivhi nevaJebhusi:+
9 Mambo weJeriko,+ mumwe chete; mambo weAi,+ raiva pedyo neBheteri, mumwe chete;
10 mambo weJerusarema,+ mumwe chete; mambo weHebroni,+ mumwe chete;
11 mambo weJamuti,+ mumwe chete; mambo weRakishi,+ mumwe chete;
12 mambo weEgroni,+ mumwe chete; mambo weGezeri,+ mumwe chete;
13 mambo weDhebhiri,+ mumwe chete; mambo weGedheri, mumwe chete;
14 mambo weHoma, mumwe chete; mambo weAradhi, mumwe chete;
15 mambo weRibna,+ mumwe chete; mambo weAdhuramu, mumwe chete;
16 mambo weMakedha,+ mumwe chete; mambo weBheteri,+ mumwe chete;
17 mambo weTapua, mumwe chete; mambo weHeferi,+ mumwe chete;
18 mambo weAfeki, mumwe chete; mambo weRasharoni, mumwe chete;
19 mambo weMadhoni,+ mumwe chete; mambo weHazori,+ mumwe chete;
20 mambo weShimroni-meroni, mumwe chete; mambo weAkshafu,+ mumwe chete;
21 mambo weTaanaki, mumwe chete; mambo weMegidho,+ mumwe chete;
22 mambo weKedheshi, mumwe chete; mambo weJokneyamu+ riri muKameri, mumwe chete;
23 mambo weDhori riri pamakomo akatevedzana eDhori,+ mumwe chete; mambo weGoimu iri muGirigari, mumwe chete;
24 mambo weTiza, mumwe chete;madzimambo acho ose aiva makumi matatu nomumwe chete.+