Joshua 15:1-63
15 Zvino mugove+ wedzinza revanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo waibvira pamuganhu weEdhomu,+ renje reZini,+ kusvikira kuNegebhu+ kumugumo wokumaodzanyemba kwayo.
2 Muganhu wavo wokumaodzanyemba waibvira panogumira Gungwa roMunyu,+ panopinda nyika mugungwa pakatarira kumaodzanyemba.
3 Wakabuda uchienda kumaodzanyemba kumukwidza weAkrabhimu,+ ukapfuurira kuZini,+ ukabva kumaodzanyemba uchienda kuKadheshi-bhaneya,+ ukapfuurira kuHezroni, ukaenda kuAdhari, ukapota uchienda kuKaka.
4 Wakapfuurira kuAzmoni,+ ukabuda uchienda kumupata une rukova weIjipiti;+ uye muganhu wacho wakagumira kugungwa. Uyu wakava muganhu wavo wokumaodzanyemba.
5 Muganhu wokumabvazuva waiva Gungwa roMunyu kusvikira panogumira Jodhani, uye muganhu worutivi rwokuchamhembe waiva panopinda nyika mugungwa, panogumira Jodhani.+
6 Muganhu wacho wakaenda kuBheti-hogra+ ukapfuura nokuchamhembe kweBheti-arabha,+ uye muganhu wacho wakaenda kudombo raBhohani+ mwanakomana waRubheni.
7 Muganhu wacho wakaenda kuDhebhiri kubani reAkori,+ ukatsaukira kuchamhembe uchienda kuGirigari,+ riri pakatarisana nomukwidza weAdhumimu, iri kumaodzanyemba kwomupata une rukova; uye muganhu wacho wakapfuurira kumvura yeEni-shemeshi,+ ukagumira kuEni-rogeri.+
8 Muganhu wacho wakaenda kumupata womwanakomana waHinomu+ kunzvimbo yakatenuka yevaJebhusi+ kumaodzanyemba, kureva Jerusarema;+ uye muganhu wacho wakakwira pamusoro pegomo rakatarisana nomupata waHinomu kumavirira, uri panogumira bani revaRefaimu+ kuchamhembe.
9 Muganhu wacho wakatarwa kubvira pamusoro pegomo racho kusvikira kuchitubu chemvura yeNeftoa,+ ukabuda uchienda kumaguta eGomo reEfroni; uye muganhu wacho wakatarwa uchienda kuBhaara,+ kureva Kiriyati-jearimu.+
10 Muganhu wacho wakapota uchibva kuBhaara kumavirira uchienda kuGomo reSeiri ukapfuurira kunzvimbo yakatenuka yeGomo reJeyarimu kuchamhembe, kureva Kesaroni; uye wakaburukira kuBheti-shemeshi+ ukapfuurira kuTimna.+
11 Muganhu wacho wakabuda uchienda kunzvimbo yakatenuka yeEkroni+ kuchamhembe, uye muganhu wacho wakatarwa uchienda kuShikeroni, ukapfuurira kuGomo reBhaara, ukabuda uchienda kuJabneeri; uye muganhu wacho wakagumira kugungwa.
12 Muganhu wokumavirira waiva kuGungwa Guru+ nenyika yaro yepamhenderekedzo. Uyu ndiwo waiva muganhu wevanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo, kumativi ose.
13 Zvino Joshua arayirwa naJehovha, akapa Karebhi+ mwanakomana waJefune mugove pakati pevanakomana vaJudha, kureva Kiriyati-abha (zvinonzi Abha aiva baba vaAnaki), kureva Hebroni.+
14 Naizvozvo Karebhi akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki+ imomo, vaiti, Sheshai+ naAhimani naTarimai,+ vaya vakaberekerwa Anaki.+
15 Akabva ipapo akaenda kuvagari vokuDhebhiri.+ (Izvozvo zvisati zvaitika Dhebhiri rainzi Kiriyati-seferi.)+
16 Karebhi akati: “Munhu anorwisa Kiriyati-seferi akaritora, ndichamupa mwanasikana wangu Akisa+ kuti ave mudzimai wake.”
17 Otinieri+ mwanakomana waKenazi,+ mwana womunun’una waKarebhi, akabva aritora. Naizvozvo akamupa mwanasikana wake Akisa+ kuti ave mudzimai wake.
18 Paakanga achienda kumba, akaramba achimukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akabva aombera ari pambongoro. Karebhi akabva ati kwaari: “Unodei?”+
19 Nokudaro akati: “Ndipei chikomborero, nokuti makandipa chikamu chomunda chokumaodzanyemba, saka ndipei Guroti-maimu.” Naizvozvo akamupa Guroti Yokumusoro neGuroti Yokuzasi.+
20 Iyi ndiyo yaiva nhaka+ yedzinza revanakomana vaJudha+ maererano nemhuri dzavo.
21 Maguta okumucheto edzinza revanakomana vaJudha nechokumuganhu weEdhomu+ kumaodzanyemba aiva Kabhuzeeri+ neEdheri neJaguri,
22 neKina neDhimona neAdhadha,
23 neKedheshi neHazori neItinani,
24 Zifi neTeremu+ neBheyaroti,
25 neHazori-hadhata neKeriyoti-hezroni, kureva Hazori,
26 Amamu neShema neMoradha,+
27 neHazari-gadha neHeshmoni neBheti-pereti,+
28 neHazari-shuari+ neBheeri-shebha+ neBhiziyotiya,
29 Bhaara+ neIimu neEzemu,+
30 neEritoradhi neKesiri neHoma,+
31 neZikragi+ neMadmana neSansana,
32 neRebhaoti neShirihimu neAini+ neRimoni;+ maguta acho ose aiva makumi maviri nemapfumbamwe, pamwe chete nemisha yawo.
33 MuShefera+ maiva neEshtaori+ neZora+ neAshna,
34 neZanoa+ neEni-ganimu, Tapua neEnamu,
35 Jamuti+ neAdhuramu,+ Soko+ neAzeka,+
36 neShaaraimu+ neAdhitaimu neGedhera neGedherotaimu; maguta gumi nemana nemisha yawo.
37 Zenani neHadhasha neMigdhari-gadhi,
38 neDhireyani neMizpe neJokteeri,
39 Rakishi+ neBhozkati+ neEgroni,+
40 neKabhoni neRamamu neKitrishi,
41 neGedheroti, Bheti-dhagoni neNaama neMakedha;+ maguta gumi nematanhatu nemisha yawo.
42 Ribna+ neEteri+ neAshani,
43 neIfta neAshna neNezibhi,
44 neKeira+ neAkzibhu+ neMarisha;+ maguta mapfumbamwe nemisha yawo.
45 Ekroni+ nemataundi aiva pasi paro nemisha yaro.
46 Kubvira kuEkroni zvichienda kumavirira ose ari pedyo neAshdhodhi nemisha yawo.
47 Ashdhodhi,+ mataundi aiva pasi paro nemisha yaro; Gaza,+ mataundi aiva pasi paro nemisha yaro, kusvikira kumupata une rukova weIjipiti, uye Gungwa Guru nenzvimbo iri pedyo.+
48 Munzvimbo ine makomo, Shamiri neJatiri+ neSoko,
49 neDhana neKiriyati-sana, kureva Dhebhiri,
50 neAnabhu neEshtemo+ neAnimu,
51 neGosheni+ neHoroni neGiro;+ maguta gumi nerimwe nemisha yawo.
52 Arabhu neDhuma neEshani,
53 neJanimu neBheti-tapua neAfeka,
54 neHumuta neKiriyati-abha, kureva Hebroni,+ neZiori; maguta mapfumbamwe nemisha yawo.
55 Maoni,+ Kameri neZifi+ neJuta,
56 neJezreeri neJokdheyamu neZanoa,
57 Keini, Gibhiya neTimna;+ maguta gumi nemisha yawo.
58 Harihuri, Bheti-zuri neGedhori,
59 neMaarati neBheti-anoti neEritekoni; maguta matanhatu nemisha yawo.
60 Kiriyati-bhaari,+ kureva Kiriyati-jearimu,+ neRabha; maguta maviri nemisha yawo.
61 Murenje maiva neBheti-arabha,+ Midhini neSekaka,
62 neNibshani neGuta roMunyu neEni-gedhi;+ maguta matanhatu nemisha yawo.
63 Vanakomana vaJudha havana kukwanisa kudzinga+ vaJebhusi+ vaigara muJerusarema;+ uye vaJebhusi vachiri kugara nevanakomana vaJudha muJerusarema kusvikira nhasi.