Joshua 16:1-10
16 Zvino mugove+ wakabuda uri wevanakomana vaJosefa,+ kubvira paJodhani+ kuJeriko kusvikira kumvura yeJeriko nechokumabvazuva, renje richikwira kubvira kuJeriko richipinda munzvimbo ine makomo yeBheteri.+
2 Wakabuda muBheteri yeRuzi+ ukapfuurira kumuganhu wevaAki+ kuAtaroti,
3 ukaenda nechokumavirira kumuganhu wevaJafreti kusvikira kumuganhu weBheti-horoni Rezasi+ neGezeri,+ ukagumira kugungwa.+
4 Vanakomana vaJosefa,+ Manase naEfremu,+ vakaita kuti nyika yacho ive yavo.+
5 Muganhu wevanakomana vaEfremu maererano nemhuri dzavo waiva, iwo muganhu wenhaka yavo nechokumabvazuva waiva Ataroti-adhari,+ kusvikira kuBheti-horoni Rokumusoro;+
6 uye muganhu wacho wakabuda uchienda kugungwa. Mikmetati+ yaiva kuchamhembe, uye muganhu wacho wakapota nechokumabvazuva uchienda kuTaanati-shiro, ukapfuura nechokumabvazuva uchienda kuJanoa.
7 Wakabva kuJanoa uchienda kuAtaroti neNaara, ukasvika kuJeriko,+ ukabuda uchienda kuJodhani.
8 Kubvira kuTapua+ muganhu wacho wakapfuurira kumupata une rukova weKana+ nechokumavirira, ukagumira kugungwa.+ Iyi ndiyo nhaka yedzinza revanakomana vaEfremu maererano nemhuri dzavo.
9 Vanakomana vaEfremu vaiva nemaguta+ pakati penhaka yevanakomana vaManase, maguta acho ose nemisha yawo.
10 Havana kudzinga vaKenani+ vaigara muGezeri,+ uye vaKenani vachiri kugara pakati paEfremu kusvikira nhasi+ uye vakashandiswa basa rokumanikidzirwa rouranda.+