Joshua 20:1-9
20 Zvino Jehovha akataura naJoshua, achiti:
2 “Taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Zvisarudzirei maguta okuti mupotere+ andakataura nezvawo kwamuri ndichishandisa Mosesi,
3 kuti muurayi+ anouraya mweya asingaiti nemaune, asingazvizivi atizire ikoko; uye maguta acho ave kwamungapotera pamutsivi weropa.+
4 Ngaatizire+ kune rimwe remaguta aya, amire panopindwa napo pagedhi+ reguta racho, ataure mashoko ake varume vakuru veguta racho vachinzwa;+ uye ngavamugamuchire muguta racho vamupe nzvimbo, agare navo.
5 Kana mutsivi weropa akamudzingirira, ngavarege kuisa muurayi wacho muruoko+ rwake; nokuti akauraya wokwake asingazivi, uye akanga agara asingamuvengi.+
6 Ngaagare muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano kuti atongwe,+ kusvikira pakufa kwomupristi mukuru+ anenge aripo mumazuva iwayo. Ipapo muurayi angadzokera,+ opinda muguta rake nomumba make, muguta maakanga atiza.’”
7 Naizvozvo vakaita kuti Kedheshi+ riri muGarireya munzvimbo ine makomo yaNaftari, neShekemu+ riri munzvimbo ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, riri munzvimbo ine makomo yaJudha ave matsvene.
8 Munzvimbo yaJodhani, kuJeriko, nechokumabvazuva vakasarudza Bhezeri+ raiva murenje panyika yakati sandara pakati pedzinza raRubheni,+ neRamoti+ raiva muGiriyedhi pakati pedzinza raGadhi, neGorani+ raiva muBhashani pakati pedzinza raManase.
9 Aya ndiwo maguta akasarudzirwa vanakomana vose vaIsraeri uyewo mutorwa aigara imomo pakati pavo, kuti munhu wose anouraya mweya asingaiti nemaune+ atizire ikoko, kuti asaurayiwa noruoko rwomutsivi weropa kusvikira amira pamberi peungano.+