Joshua 21:1-45
21 Zvino vakuru vemadzibaba evaRevhi vakasvika kuna Eriyezari+ mupristi naJoshua+ mwanakomana waNuni nevakuru vemadzibaba emadzinza evanakomana vaIsraeri,
2 vakataura navo vari muShiro+ munyika yeKenani, vachiti: “Jehovha akarayira achishandisa Mosesi kuti tipiwe maguta okugara, pamwe chete nemafuro awo nokuda kwezvipfuwo zvedu.”+
3 Naizvozvo vanakomana vaIsraeri vakapa vaRevhi+ vacho maguta aya nemafuro awo pakati penhaka yavo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
4 Mugove wakabva wabuda uri wemhuri dzevaKohati,+ maguta gumi nematatu akava evanakomana vomupristi Aroni, vaiva vevaRevhi, vachishandisa mujenya, pakati pedzinza raJudha+ nepakati pedzinza revaSimiyoni+ uye pakati pedzinza raBhenjamini.+
5 Vanakomana vaKohati+ vakanga vasara vakapiwa maguta gumi pakati pemhuri dzedzinza raEfremu+ nepakati pedzinza raDhani+ nepakati pehafu yedzinza raManase+ pachishandiswa mujenya.
6 Vanakomana vaGeshoni+ vakapiwa maguta gumi nematatu pakati pemhuri dzedzinza raIsakari+ nepakati pedzinza raAsheri+ nepakati pedzinza raNaftari+ nepakati pehafu yedzinza raManase kuBhashani+ pachishandiswa mujenya.
7 Vanakomana vaMerari+ maererano nemhuri dzavo vakapiwa maguta gumi nemaviri pakati pedzinza raRubheni+ nepakati pedzinza raGadhi+ nepakati pedzinza raZebhuruni.+
8 Nokudaro vanakomana vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya nemafuro awo+ pachishandiswa mujenya,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mosesi.+
9 Naizvozvo vakavapa maguta aya aishevedzwa nemazita awo pakati pedzinza revanakomana vaJudha nepakati pedzinza revanakomana vaSimiyoni,+
10 uye akava evanakomana vaAroni pakati pemhuri dzevaKohati dzevanakomana vaRevhi, nokuti mugove wokutanga wakava wavo.+
11 Nokudaro vakavapa Kiriyati-abha+ (zvinonzi Abha aiva baba vaAnaki),+ kureva Hebroni,+ riri munzvimbo ine makomo yaJudha,+ nemafuro aro akanga akaripoteredza;
12 uye munda weguta racho nemisha yaro vakazvipa Karebhi mwanakomana waJefune kuti zvive zvake.+
13 Vakapa vanakomana vomupristi Aroni guta rokuti muurayi apotere+ raiva Hebroni,+ nemafuro aro, uyewo Ribna+ nemafuro aro,
14 neJatiri+ nemafuro aro, neEshtemoa+ nemafuro aro,
15 neHoroni+ nemafuro aro, neDhebhiri+ nemafuro aro,
16 neAini+ nemafuro aro, neJuta+ nemafuro aro, Bheti-shemeshi+ nemafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pemadzinza maviri aya.
17 Pakati pedzinza raBhenjamini, Gibhiyoni+ nemafuro aro, Gebha+ nemafuro aro,
18 Anatoti+ nemafuro aro, neArimoni+ nemafuro aro; maguta mana.
19 Maguta ose evanakomana vaAroni,+ ivo vapristi, aiva gumi nematatu nemafuro awo.+
20 Mhuri dzevanakomana vaKohati, vaRevhi vakanga vasara vevanakomana vaKohati, dzakapiwa maguta adzo pakati pedzinza raEfremu+ pachishandiswa mujenya.
21 Naizvozvo vakavapa guta rokuti muurayi apotere,+ raiva Shekemu,+ nemafuro+ aro munzvimbo ine makomo yaEfremu, neGezeri+ nemafuro aro,
22 neKibzaimu+ nemafuro aro, neBheti-horoni+ nemafuro aro; maguta mana.
23 Kudzinza raDhani, Eriteke nemafuro aro, Gibhetoni+ nemafuro aro,
24 Aijaroni+ nemafuro aro, Gati-rimoni+ nemafuro aro; maguta mana.
25 Pakati pehafu yedzinza raManase, Taanaki+ nemafuro aro, neGati-rimoni nemafuro aro; maguta maviri.
26 Maguta ose pamwe chete nemafuro awo, emhuri dzevanakomana vaKohati dzakanga dzasara aiva gumi.
27 Vanakomana vaGeshoni,+ vemhuri dzevaRevhi, vakapiwa guta rokuti muurayi apotere pakati pehafu yedzinza raManase,+ raiva Gorani,+ riri muBhashani, nemafuro aro, neBheeshtera+ nemafuro aro; maguta maviri.
28 Pakati pedzinza raIsakari,+ Kishioni+ nemafuro aro, Dhabherati+ nemafuro aro,
29 Jamuti+ nemafuro aro, Eni-ganimu+ nemafuro aro; maguta mana.
30 Pakati pedzinza raAsheri,+ Mishari+ nemafuro aro, Abdhoni+ nemafuro aro,
31 Herikati+ nemafuro aro, neRehobhu+ nemafuro aro; maguta mana.
32 Pakati pedzinza raNaftari,+ guta rokuti muurayi apotere+ raiva Kedheshi+ riri muGarireya, nemafuro aro, neHamoti-dhori+ nemafuro aro, neKatani nemafuro aro; maguta matatu.
33 Maguta ose evaGeshoni maererano nemhuri dzavo aiva maguta gumi nematatu nemafuro awo.
34 Mhuri dzevanakomana vaMerari,+ vaRevhi vakanga vasara, dzakapiwa pakati pedzinza raZebhuruni,+ Jokneyamu+ nemafuro aro, Kata nemafuro aro,
35 Dhimna+ nemafuro aro, Naharari+ nemafuro aro; maguta mana.
36 Pakati pedzinza raRubheni,+ Bhezeri+ nemafuro aro, neJahazi+ nemafuro aro,
37 Kedhemoti+ nemafuro aro, neMefaati+ nemafuro aro; maguta mana.
38 Pakati pedzinza raGadhi,+ guta rokuti muurayi apotere raiva Ramoti riri muGiriyedhi,+ nemafuro aro, neMahanaimu+ nemafuro aro,
39 Heshbhoni+ nemafuro aro, Jazeri+ nemafuro aro; maguta acho ose aiva mana.
40 Maguta ose akazova evanakomana vaMerari+ maererano nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara pamhuri dzevaRevhi, aiva maguta gumi nemaviri, somugove wavo.
41 Maguta ose evaRevhi aiva pakati penhaka yevanakomana vaIsraeri aiva maguta makumi mana nemasere+ pamwe chete nemafuro+ awo.
42 Maguta aya akava guta rimwe nerimwe pamwe chete nemafuro aro akaripoteredza—ndizvo zvakanga zvakaita maguta aya ose.+
43 Naizvozvo Jehovha akapa vaIsraeri nyika yose yaakanga apikira kupa madzitateguru avo,+ vakaita kuti ive yavo+ uye vakagara mairi.
44 Jehovha akavapawo zororo+ kumativi ose, maererano nezvose zvaakanga apikira+ madzitateguru avo, uye hapana kana mumwe chete wevavengi vavo vose akamira pamberi pavo.+ Jehovha akaisa vavengi vavo vose muruoko rwavo.+
45 Hapana kana chipikirwa chimwe chete chakakundikana pazvipikirwa zvose zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvose zvakaitika.+