Mabasa 6:1-15
6 Zvino mumazuva iwaya, vadzidzi pavakanga vachiwedzera, vaJudha vaitaura chiGiriki+ vakagunun’unira vaJudha vaitaura chiHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzakanga dzichidarikwa pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva.+
2 Naizvozvo vane gumi nevaviri vakashevedza vadzidzi vazhinji, vakati: “Hazvitifadzi kuti tisiye shoko raMwari kuti tigovere zvokudya patafura.+
3 Naizvozvo, hama, zvitsvakirei+ varume vanomwe vanopupurirwa pakati penyu, vazere nomudzimu nouchenjeri,+ kuti tivagadze pabasa iri rinofanira kuitwa;
4 asi isu tichazvipira pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.”+
5 Chinhu chakataurwa chakanga chichifadza vanhu vazhinji vose, zvino vakasarudza Stefani, murume akanga azere nokutenda nomudzimu mutsvene,+ naFiripi+ naProkorasi naNikanori naTimoni naPaminasi naNikorasi, mutendeuki wokuAndiyoki;
6 vakavaisa pamberi pevaapostora, uye, pashure pokunge vanyengetera, ava vakaisa maoko+ avo pavari.
7 Naizvozvo shoko raMwari rakaramba richikura,+ uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera kwazvo muJerusarema;+ uye boka guru revapristi+ rakatanga kuteerera+ kutenda.
8 Zvino Stefani, azere nenyasha nesimba, akanga achiita zvishamiso nezviratidzo+ zvikuru pakati pevanhu.
9 Asi vamwe varume pane vaya vainzi Sinagogi reVakasununguka vakamuka, nevokuKurini nevokuArekizandriya+ nevaya vokuKirikiya+ neEzhiya, vakasimuka kuti vaite nharo naStefani;
10 asi havana kugona kumupikisa pauchenjeri+ nomudzimu zvaakanga achitaura nazvo.+
11 Vakabva vafurira vanhu pachivande kuti vataure kuti:+ “Takamunzwa achitaura mashoko okumhura+ Mosesi naMwari.”
12 Vakakusvudzira vanhu nevarume vakuru nevanyori, uye, pavakangoerekana vauya paari, vakamubata nechisimba vakaenda naye kuSanihedrini.+
13 Vakaunza zvapupu zvenhema,+ izvo zvakati: “Munhu uyu haaregi kutaura zvinhu zvinozvidza nzvimbo ino tsvene uye zvinozvidza Mutemo.+
14 Somuenzaniso, takamunzwa achiti uyu Jesu wokuNazareta achakoromora nzvimbo ino ochinja tsika dzatakapiwa naMosesi.”
15 Zvino vose vaya vakanga vagere muSanihedrini zvavakanga vakanyatsomutarira,+ vakaona kuti chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.+