Mabasa 7:1-60
7 Asi mupristi mukuru akati: “Zvinhu izvi ndizvo here?”
2 Iye akati: “Varume, hama navanababa, inzwai. Mwari wokubwinya+ akazviratidza kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati agara kuHarani,+
3 uye akati kwaari, ‘Buda munyika yako uye ubve kuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’+
4 Akabva abuda munyika yevaKadheya, akanogara kuHarani. Zvino achibva imomo, pashure pokunge baba vake vafa,+ Mwari akamutamisira kunyika ino yamugere zvino.+
5 Asi haana kumupa chimwe chinhu chaizogarwa nhaka mairi, aiwa, kunyange upamhi hwetsoka;+ asi akapikira kumupa iyo kuti ive yake,+ uye pashure pake kuvana* vake,+ paakanga asati ava nomwana.+
6 Zvakare, Mwari akataura izvi, kuti vana vake vaizova vatorwa+ mune imwe nyika isiri yavo+ uye vanhu vacho vaizoita kuti vave varanda vovatambudza kwemakore mazana mana.+
7 ‘Rudzi irworwo rwavachashandira ndicharutonga,’+ Mwari akadaro, ‘uye pashure pezvinhu izvi ivo vachabuda uye vachandiitira basa dzvene munzvimbo ino.’+
8 “Akamupawo sungano yokudzingisa;+ saizvozvo akabereka Isaka,+ akamudzingisa pazuva rechisere,+ Isaka akabereka Jakobho, Jakobho akabereka misoro yemhuri+ gumi nemiviri.
9 Misoro yacho yemhuri yakava negodo+ naJosefa, ikamutengesera kuIjipiti.+ Asi Mwari akanga ainaye,+
10 uye akamununura pakutambudzika kwake kwose, akamupa nyasha nouchenjeri pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye akamugadza kuti adzore Ijipiti neimba yake yose.+
11 Asi nzara yakauya paIjipiti yose neKenani yose, iko kutambudzika kukuru; uye madzitateguru edu akanga asingawani zvokudya chero zvipi zvazvo.+
12 Asi Jakobho akanzwa kuti kwakanga kuine zvokudya muIjipiti+ uye akatuma madzitateguru edu kekutanga.+
13 Kechipiri Josefa akazivikanwa nevakoma vake;+ uye rudzi rwemhuri yaJosefa rwakaoneka kuna Farao.+
14 Naizvozvo Josefa akavatuma kunoshevedza Jakobho baba vake nehama dzake dzose kubva kunzvimbo iyoyo,+ vaisvika mweya ine makumi manomwe nemishanu.+
15 Jakobho akaburukira kuIjipiti.+ Iye akafa;+ uye ndizvo zvakaitawo madzitateguru edu,+
16 uye vakaendeswa kuShekemu,+ vakavigwa muguva+ rakanga ratengwa naAbrahamu kuShekemu nomutengo wakati wemari yesirivha kuvanakomana vaHamori.+
17 “Nguva zvayakanga ichiswedera pedyo kuti chipikirwa icho Mwari akanga azivisa pachena kuna Abrahamu chizadzike, vanhu vakawedzera, vakava vazhinji muIjipiti,+
18 kusvikira kwamuka mumwe mambo muIjipiti, akanga asingazivi nezvaJosefa.+
19 Uyu akashandisa manomano oumambo padzinza redu,+ akamanikidza nenzira yakaipa vanababa kuti vasiye vacheche vavo, kuti varege kuchengetedzwa vari vapenyu.+
20 Panguva iyoyo chaiyo Mosesi akaberekwa,+ uye akanga akanaka+ kwazvo kunyange mukuona kwaMwari. Akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake.
21 Asi paakasiyiwa, mwanasikana waFarao akamunhonga, akamurera somwanakomana wake.+
22 Naizvozvo Mosesi akarayiridzwa muuchenjeri+ hwose hwevaIjipiti. Chokwadi, mashoko ake nemabasa ake zvaiva nesimba.+
23 “Zvino panguva yaakanga ava kusvitsa makore makumi mana, akafunga kuti aongorore hama dzake, ivo vanakomana vaIsraeri.+
24 Paakaona mumwe achiitirwa zvisina kururama, akamudzivirira, akatsivira uya akanga achiitirwa zvisina kukodzera nokuuraya muIjipiti.+
25 Aifunga kuti hama dzake dzaizonzwisisa kuti Mwari akanga ari kudzipa ruponeso achishandisa ruoko rwake,+ asi idzo hadzina kuzvinzwisisa.
26 Zuva rakatevera akaoneka kwavari zvavakanga vachirwa, akaedzazve kuvayananisa murugare,+ achiti, ‘Varume, muri hama. Nei muchiitirana zvisina kururama?’+
27 Asi uya akanga achiitira muvakidzani wake zvisina kururama akamusundira kure, achiti, ‘Ndiani akakugadza kuti uve mudzori nomutongi wedu?+
28 Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro here?’+
29 Pakataurwa izvi Mosesi akatiza, akanova mutorwa munyika yeMidhiyani,+ kwaakabereka vanakomana vaviri.+
30 “Pakapera makore makumi mana, ngirozi yakazviratidza kwaari iri mumurazvo womoto wegwenzi reminzwa ari murenje reGomo reSinai.+
31 Zvino Mosesi paakazviona akashamisika nezvaakaona.+ Asi zvaakanga achiswedera kuti aongorore, inzwi raJehovha rakauya richiti,
32 ‘Ndini Mwari wemadzitateguru ako, Mwari waAbrahamu nowaIsaka nowaJakobho.’+ Achidedera, Mosesi haana kuda kuongororazve.
33 Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa hwashu mutsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire inzvimbo tsvene.+
34 Chokwadi ndaona kuitirwa zvakaipa kwevanhu vangu vari muIjipiti,+ uye ndanzwa kugomera+ kwavo uye ndaburuka kuti ndivanunure.+ Zvino chiuya, ndichakutuma kuIjipiti.’+
35 Mosesi uyu, wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani akakugadza kuti uve mudzori nomutongi?’+ murume iyeyu Mwari akamutuma+ somutongi nomununuri noruoko rwengirozi yakazviratidza kwaari iri mugwenzi reminzwa.
36 Murume uyu akavabudisa+ pashure pokuita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti+ nomuGungwa Dzvuku+ nomurenje kwemakore makumi mana.+
37 “Ndiye Mosesi akati kuvanakomana vaIsraeri, ‘Mwari achakumutsirai muprofita akaita seni anobva pakati pehama dzenyu.’+
38 Uyu ndiye+ akanga ari pakati peungano+ murenje nengirozi+ iya yakataura naye paGomo reSinai nemadzitateguru edu, uye akagamuchira mashoko matsvene+ mapenyu kuti akupei.
39 Madzitateguru edu akaramba kumuteerera, asi vakamusundira parutivi,+ vakadzokera kuIjipiti mumwoyo mavo,+
40 vachiti kuna Aroni, ‘Tigadzirire vanamwari kuti vatitungamirire. Nokuti Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi kuti chii chaitika kwaari.’+
41 Naizvozvo vakagadzira mhuru mumazuva iwayo,+ vakaunza chibayiro kuchidhori chacho, vakatanga kufarira mabasa emaoko avo.+
42 Naizvozvo Mwari akafuratira, akavarega+ kuti vaitire basa dzvene uto rokudenga, sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku revaprofita,+ kuti, ‘Ndini here wamakapa mhuka nezvibayiro kwemakore makumi mana murenje, haiwa imi imba yaIsraeri?+
43 Asi rakanga riri tende raMoroki+ nenyeredzi+ yamwari anonzi Refani zvamakatakura, zvidhori zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai+ kupfuura kuBhabhironi.’
44 “Madzitateguru edu akanga aine tende rouchapupu murenje, sokurayira kwaakaita paaitaura naMosesi kuti arigadzire maererano nomufananidzo waakanga aona.+
45 Madzitateguru edu akarigamuchira, akariunzawo naJoshua+ munyika yaiva yemamwe marudzi,+ ayo Mwari akadzinga pamberi pemadzitateguru edu.+ Rakaramba riri pano kusvikira mazuva aDhavhidhi.
46 Iye akafarirwa+ naMwari, akakumbira ropafadzo yokugovera nzvimbo yokuti Mwari waJakobho agare.+
47 Zvisinei, Soromoni akamuvakira imba.+
48 Kunyange zvakadaro, Wokumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa nemaoko;+ sokutaura kunoita muprofita kuti,
49 ‘Denga ndicho chigaro changu choumambo,+ uye nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu.+ Imba yakadini yamungandivakira? Jehovha anodaro. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzororera iri kupi?+
50 Ruoko rwangu haruna kuita zvinhu zvose izvi here?’+
51 “Vanhu vane nharo vane mwoyo nenzeve zvisina kudzingiswa,+ munogara muchirwisa mudzimu mutsvene; munoita sezvakaitwa nemadzitateguru enyu.+
52 Ndoupi pavaprofita asina kutambudzwa nemadzitateguru enyu?+ Chokwadi, vakauraya+ vaya vakafanozivisa pamusoro pokuuya kwaIye akarurama,+ uyo imi mazova vatengesi nevapondi vake zvino,+
53 imi makagamuchira Mutemo wakapiwa nokungirozi+ asi hamuna kuuchengeta.”
54 Naizvozvo, vachinzwa zvinhu izvi vakarwadziwa mwoyo+ kwazvo, vakatanga kumugeda-gedera+ mazino avo.
55 Asi iye, azere nomudzimu mutsvene, akanyatsotarira kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nokwaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari,+
56 akati: “Tarirai! Ndinoona matenga akavhurika+ uye Mwanakomana womunhu+ amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”+
57 Ivo vakashevedzera nenzwi guru vakadzivira nzeve dzavo,+ vakamhanyira paari nomwoyo mumwe.
58 Pashure pokumukanda kunze kweguta,+ vakatanga kumutema nematombo.+ Zvapupu+ zvacho zvakaisa nguo dzazvo dzokunze patsoka dzejaya rainzi Sauro.+
59 Vakaramba vachitema Stefani nematombo iye zvaaikumbira achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu roupenyu.”+
60 Zvino, achipfugama, akashevedzera nenzwi rakasimba achiti: “Jehovha, musavapa mhosva yechivi ichi.”+ Pashure pokunge ataura izvi akarara murufu.