Mako 10:1-52
10 Achibva ipapo akasimuka, akaenda kumiganhu yeJudhiya mhiri kwaJodhani, mapoka evanhu akamuunganirazve, uye sezvaaigara achiita akatangazve kuvadzidzisa.+
2 Zvino vaFarisi vakauya, uye kuti vamuedze, vakatanga kumubvunza kana zvaibvumirwa nomutemo kuti murume arambe mudzimai.+
3 Achipindura, iye akati kwavari: “Mosesi akakurayirai kuti chii?”
4 Ivo vakati: “Mosesi akabvumira kunyorwa kworugwaro rwokumudzinga nokumuramba.”+
5 Asi Jesu akati kwavari: “Iye akakunyorerai murayiro uyu nokuda kwokuoma kwemwoyo yenyu.+
6 Zvisinei, kubvira pakutanga kwokusika ‘Iye akavaita munhurume nomunhukadzi.+
7 Nokuda kweizvi murume achasiya baba vake naamai,
8 uye vaviri vacho vachava nyama imwe’;+ zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.
9 Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+
10 Pavakanga vavazve mumba+ vadzidzi vakatanga kumubvunza pamusoro peizvi.
11 Zvino akati kwavari: “Munhu wose anoramba mudzimai wake oroora mumwe anoita upombwe,+ achimutadzira,
12 uye kana mukadzi akaroorwa, pashure pokunge aramba murume wake, iye anoita upombwe.”+
13 Zvino vanhu vakatanga kuuya nevana vaduku kwaari kuti avabate; asi vadzidzi vakavatsiura.+
14 Jesu achiona izvi akatsamwa, akati kwavari: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai.+
15 Chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.”+
16 Zvino akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.+
17 Zvino zvaakanga ava kubuda achienda, mumwe murume akamhanya, akapfugama pamberi pake, akamubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”+
18 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka?+ Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.+
19 Unoziva mirayiro yokuti, ‘Usaponda,+ Usaita upombwe,+ Usaba,+ Usapupurira nhema,+ Usabiridzira,+ Kudza baba vako naamai.’”+
20 Murume wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, ndakachengeta zvinhu zvose izvi kubvira ndichiri muduku.”
21 Jesu akamutarira, akamuda, akati kwaari: “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda, tengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.”+
22 Asi akasuruvariswa nemashoko acho, akaenda ashungurudzwa, nokuti aiva nezvinhu zvizhinji.+
23 Pashure pokutarira-tarira Jesu akati kuvadzidzi vake: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari+ vapinde muumambo hwaMwari!”+
24 Asi vadzidzi vakashamiswa+ nemashoko ake. Jesu akatizve kwavari: “Vana, chinhu chakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!
25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”+
26 Vakatonyanya kushamiswa, vakati kwaari: “Chokwadi, ndiani angaponeswa?”+
27 Achivatarira zvakananga Jesu akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nokuti zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”+
28 Petro akatanga kuti kwaari: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose uye tave tichikuteverai.”+
29 Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Hapana munhu akasiya imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka+
30 asingazowani zvine zana+ zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, nokutambudzwa,+ uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.
31 Zvisinei, vazhinji vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vokutanga.”+
32 Zvino vakanga vachikwira nomugwagwa unoenda kuJerusarema, Jesu akanga achifamba ari mberi kwavo, uye ivo vakashamiswa; asi vaya vakatevera vakatanga kutya. Akatorazve vane gumi nevaviri, akaenda navo parutivi, akatanga kuvaudza zvinhu izvi zvaifanira kumuwira, achiti:+
33 “Tarirai, tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi,+
34 vachamuseka uye vachamupfira mate vachimuzvambura vomuuraya, asi kwapera mazuva matatu iye achamuka.”+
35 Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaviri vaZebhedhi,+ vakaenda kwaari vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chose chatinokukumbirai.”+
36 Iye akati kwavari: “Munoda kuti ndikuitirei?”
37 Ivo vakati kwaari: “Tibvumirei kuti tigare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu, mukubwinya kwenyu.”+
38 Asi Jesu akati kwavari: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandiri kunwira, kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo?”+
39 Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” Jesu akati kwavari: “Muchanwira henyu mukapu yandiri kunwira, uye muchabhabhatidzwa henyu norubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.+
40 Zvisinei, izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo,+ asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa.”
41 Naizvozvo, vamwe vane gumi pavakazvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani.+
42 Asi Jesu, pashure pokuvashevedza, akati kwavari: “Imi munoziva kuti vaya vanonzi vanotonga marudzi vanozviita madzishe paari uye vakuru vavo vanoshandisa simba paari.+
43 Izvi hazvina kudaro pakati penyu; asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+
44 uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wevamwe vose.+
45 Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa,+ asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro+ mukutsinhana nevazhinji.”+
46 Zvino vakasvika muJeriko. Asi iye nevadzidzi vake neboka guru revanhu zvavakanga vachibuda muJeriko, Bhatimeyo (mwanakomana waTimeyo), bofu raipemha, akanga agere parutivi pomugwagwa.+
47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu wokuNazareta, akatanga kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi,+ Jesu, ndinzwireiwo ngoni!”+
48 Vanhu vazhinji vakamuudza zvakasimba kuti anyarare; asi iye akabva atonyanya kuramba achishevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”+
49 Naizvozvo Jesu akamira akati: “Mushevedzei.” Zvino vakashevedza bofu racho, vachiti kwariri: “Shinga, simuka, ari kukushevedza.”+
50 Achirasa nguo yake yokunze, akasvetuka, akamira netsoka dzake, akaenda kuna Jesu.
51 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei?”+ Bofu rikati kwaari: “Rabhoni, itai kuti ndionezve.”+
52 Jesu akati kwaari: “Enda, kutenda kwako kwakuporesa.”+ Zvino iye akabva angoonazve,+ akatanga kumutevera mumugwagwa.+